Accessibility links

Breaking News

Sarudzo yeKutsvaga Maseneta Maviri muGeorgia kuAmerica Inoitwa Paine Makwikwi Akasimba


Vanhu vachivhota musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa kuGeorgia, muAmerica.
Vanhu vachivhota musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa kuGeorgia, muAmerica.

Vagari vemudunhu reGeorgia muAmerica vari kuvhota neChipiri musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa, kana kuti run-off, iyo yakakosha zvikuru pakati pemapato eRepublican Party neDemocratic Party, sezvo bato richatora zvigaro zviviri izvi richave ndiro rine masimba mudare reseneti.

Sarudzo iyi iri kudzokororwa mushure mekunge pashaya akakunda musarudzo yakaitwa musi wa 03 Mbudzi gore rapera.

Mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakanga vari mudunhu iri neMuvhuro manheru vachibatsira nhengo dzebato ravo reRepublican Party, VaDavid Perdue naAmai Kelly Loeffler kutsvaga rutsigiro.

VaTrump vakadzokorora zvakare mashoko avo ekuti sarudzo dzakaitwa muna Mbudzi dzakabirwa zvine mutsindo.

Ukuwo, vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika vakamirira kutoreswa mhiko uye vari vebato reDemocratic Party, VaJoe Biden, vakanga vari muGeorgia zvakare neMuvhuro vachibatsirawo nhengo dzebato ravo, VaJon Ossoff naReverend Raphael Warnock, kutsvaga rutsigiro.

Vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanonzi vakatovhota kare muhurongwa hwekukasika kuvhota, kana kuti early voting.

Sarudzo iyi iri kuvharwa nenguva dza 7 manheru uye zvichabuda musarudzo zvinogona kuzoziviswa neChitatu.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muGeorgia, VaSimbarashe Chipere, vanoti kunyange hazvo makwikwi ari pakati penhengo dzemapato maviri aya akasimba, vanoona nhengo dzose dzeDemocratic Party dzichikunda nechikonzero chekuti vatsigiri vebato iri vari kubuda zvine mutsindo vachinovhota kudarika mamwe makore ose.

VaChipere vanotiwo mashoko ekutuka hutungamiri hwebato reRepublican Party pamwe nekuti sarudzo yakabirirwa anonzi anogarotarurwa naVaTrump anogona kuodza mwoyo yevatsigiri vebato ravo zvinozoita kuti vamwe varege kunovhota.

Hurukuro naVaSimbarashe Chipere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG