Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Kuti VaMafume Vaburitswe Mujeri


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Hurumende neMuvhuro yakasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti chekuti dare ripe mutongo wekuti meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukanzuru yeHarare vasabvumidzwe kubuda mujeri kusvika mhosva yavo yatongwa.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, muchuchisi wenyaya iyi, VaLancelot Mutsokoti, vati VaMafume vakavhiringidzana neumwe wevafakazi panyaya yavari kupomerwa VaGeorge Dzehonye, vachiziva kuti vaisafanira kutaura navo kudzamara nyaya yavo iri mumatare yapera. Saka nokudaro,

VaMutsokoti vati dare rinofanira kukanzura mari yechibatiso yavakabhadhariswa nedare repamusoro inoita zviuru makumi matatu zvemadhora ari maRTGS.

Asi rimwe remagweta aVaMafume, VaTendai Biti, vabva vasvitsa chikumbiro kudare chekuti mutongi panyaya iyi, VaNgoni Nduna, vageze mawoko avo panyaya iyi sezvo varivo vakanyima VaMafume mukana wekubhadhara mari yechibatiso panyaya yekunzi VaMafume vakavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare kana kuti “obstruction of justice” pavananonzi vakataura naVaDzehonye pacho.

VaBiti vati zvave kuda kuitwa nehurumende izvi zvinoratidza kuti iri kutsvaga uta nemugate kuti iroverere VaMafume ichiziva kuti mutongo wakaturwa naVaNduna wekunyima VaMafume mukana wekubhadhara mari yechibatiso uri kupikiswa naVaMafume mudare repamusoro.

VaNduna vabva vageza maoko avo panyaya iyi izvo zvatendwa nerimwe remagweta aVaMafume, VaTonderai Bhatasara. VaBhatasara vatendawo kuti nyaya iyi yave kuzonzwikwa nemumwe mutongi neChipiri

Pakatanga kusungwa VaMafume vaipomerwa mhosva yekunzi vakakonzeresa kuti kanzuru yeHarare itengesere hanzvanzi yavo neumwe mushandi wekuhofisi yavo yehugweta masitendi vasina kutevedzera gwara rekanzuru.

Asi VaMafume vari kuramba mhosva iyi iyo yavakazonzi nedare repamusoro vabhadhare mari yechibatiso vakamirira kutongwa. Vakazosungwa vachinzi vakanga vatyora zvavakanga vatarirwa nedare kuti vasavhiringidzane nevafakazi.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, vaimbova mukuru wekambani yeNetone, VaLazarus Muchenje vanzi vadzoke kudare mwedzi unouya apo pavachapihwa mutongo wavo pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakashandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo kuzvipa imba yebasa.

Asi pakutongwa kwenyaya iyi, VaMuchenje ndizvo zvagara zvichiitika kuti mukuru-mukuru wekambani anobhadharirwa imba yokugara nekambani.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG