Accessibility links

Breaking News

Matare eDzimhosva Ovhiringwa neCovid-19


High Court Zimbabwe

Komisheni inoona nezvekufambiswa kwenyaya dzemumatare, yeJudicial Services Commission, yazivisa nhasi kuti kunyange hazvo matare achange akavhurwa pamazuva eLockdown Level Four, matare achange asingaiti mabasa ese anotarisirwa kuti ave achiitwa semazuva ose.

Mutauriri weJudicial Services Commission, Muzvare Rumbidzai Takawira, vati kunyange hazvo matare anenge akavhurwa panguva iyi, haakwanisi kuita mabasa awo sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvipingaidzo.

Muzvare Takawira vati nekudaro matare achange achingonzwa nyaya dziri kupinda mumatare kekutanga, nyaya dzechimbichimbi pamwe nenyaya dzeavo vanenge vachida kukumbira mukana wekutongwa vachibva kumba chete

Muzvare Takawira vati izvi zvinoreva kuti vese vane nyaya dziri mumatare avo vaive vapiwa mazuva ekudzoka ari mumazuva makumi nematatu anotevera, vachazodzokera kumatare mumashure memazuva aya zvichitariswa mitemo inenge yaiswa nehurumende mukuedza kudzivirira kupararira kwedenda reCovid 19.

Judicial Services Commission yazivisawo kutiwo vese vachange vachiuya kumatare vanosungirwa kutorwa temperature, kupfeka mamasiki pamwe nekugeza maoko, uye kuona kuti havabatani nevamwe zvakanyanya. Sangano iri ratiwo vanhuwo zvavo vanenge vasingabvumirwi kupinda pamatare mukati memazuva akatarwa eLockdown.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vaudza Studio 7 kuti matanho atorwa neJudicial Services Commission aya anotyora bumbiro remitemo yenyika.

VaShava vati izvi zvinoreva kuti vanhu vane nyaya mumatare, nyaya dzavo dzichanzwikwa mushure menguva yakareba zvisinei nebumbiro remitemo yenyika iro rinoti nyaya dzinofanirwa kunzwika nechimbichimbi mumatare. VaShava vatiwo zvinoomeserawo avo vasina kupiwa mikana yekutongwa vachibva kumba vachiti nguva yavo yekugara mutirongo inenge yorebeswa kunyange hazvo vasati vabatwa nemhosva.

Izvi zvatsigirwawo nerimwezve gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMartin Kadzere, vachitiwo kunyange matare ati pane nyaya dzaanenge achinzwa, magweta ari kurambidzwa kuenda kumabasa pamaroadblocks. VaKadzere vati nhasi ivo pachavo vadzorerwa kumba.

Kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvakanyanya kwakaita kuti hurumende ikurudzire veruzhinji kuti vagare kudzimba kutanga nhasi, kwemazuva makumi matatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG