Accessibility links

Breaking News

Mutumbi weMurume Akawira paMapopoma eVictoria Falls Wonetsa Kutora


Gomba rakawanikwa mutumbi waVaRoy Dikinya kuVictoria Falls rinonzi rakadzika mamita anodarika zana. (C. Mavhunga/VOA)
Gomba rakawanikwa mutumbi waVaRoy Dikinya kuVictoria Falls rinonzi rakadzika mamita anodarika zana. (C. Mavhunga/VOA)

Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawu, vanoti mutumbi waVaRoy Dikinya, avo vakadonhera mugomba riri pamapopoma eVictoria Falls zuva regoredzva, wakawanikwa asi havasati vakwanisa kuutora kubva pawakadonhera.

VaFarawu vanoti hurumende, yakatungamirirwa negurukota rebazi rezvezviwanikwa, VaMangaliso Ndlovu, yakwanisa kuti pachipinda veCivil Protection Unit kuti vaedze kutora mutumbi uyu.

Vanotiwo hurumende yataurawo nevemugodhi weHow Mine uri kuMatabeleland South kuti utumirewo nyanzvi dzinogona kubatsira nekusvika pane mutumbi uyu.

VaFarawu vanoti vari kushandawo nevemhuri yaVaDikinya vachiizivisa pavanenge vasvika nguva dzose.

Mumwe wemhuri yekwaDikinya asina kuda kudomwa nezita, atenda kuti mutumbi wakaonekwa asi hausati wakwanisa kutorwa.

Wemhuri uyu atendawo kuti hurumende iri kuvazivisa pasvika hurongwa hwekuedza kutora mutumbi wehama yavo, achitiwo dambudziko ndiroro rekuti pauri pakamanika uye hapasvikiki nehwato kana kuti pashandisike chikopokopo.

Pane mutumbi uyu panonzi pakadzika mamita anodarika zana kubva pamusoro.

Hurukuro naVaTinashe Farawu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG