Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutanga vhiki ravo rizere vari muhofisi mushure mekutoreswa mhiko nemusi weChitatu.
Vakafanobata chigaro chemunyori mubazi rezvehutano, Dr Robert Mudyirandima, vaudza paramende kuti nyika yakatora danho rekuti yoshandisa nhomba ipi kudzivirira kupararira kweCovid-19 uye pane chiziviso chichaitwa kune veruzhinji pamusoro penyaya iyi mukati memazuva mashonana ari kutevera.
Mugwaro ravo, VaNhepera vati vari kunyanya kutsoropodza mashoko avanoti emanyepo ekuti vateveredzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi vose vari kurwara neCovid-19, uye kuti VaChiwenga vakatomhanyiswa kuChina kunorapwa.
Nyanzvi munyaya dzehutano uye vari chiremba, Dr Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji kuti varambe vachitevedzera kurudziro yekuti vapfeke mamasiki, kugeza mawoko, nekusamanikidzana panzvimbo dzinosangana vanhu.
Sangano reHealth Services Board rinoti vashandi vezvehutano vari pasi pemazana mashanu ndivo chete vapiwa mari inopiwa vashandi vezvehutano vanobatwa neCovid-19 kunyangwe hazvo vamwe vari mubazi rezvehutano vachiti hurongwa hwehurumende uhwu hauna kubudiswa pachena kune vashandi vese.
Munyori weZAPTA, VaZivaishe Zhou, vaudza Studio 7 kuti vashandi vebazi rezvekurima vanoshandira mumaguta akaita seHarare vari kubatsirwa nezvekuzvidzivirira asi avo vanonzi vashande mazuva ose mumaruwa havasi kupiwa zvekuzvidzivirira kubva ku Covid-19.
Mutungamiri we America, VaJoe Biden, vashandisa simba ravo semutungamiri wenyika vakasaina magwaro, kana kuti Executive Order, ekubatsira mukurwisa Covid-19.
Mafashamu emvura nedutumupengo remhepo zvinonzi zvakauraya vanhu vatatu nekuparadza misha yakawanda kuManicaland asi zvave kuenda zvichiita nani.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weMugovera vakaita hurukuro nemutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson.
Vanhu mazana maviri ane makumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika mukati memazuva manomwe adarika.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kushaya kuri kuita vakuru vakuru muhurumende chiratidzo chekuti hurumende inofanirwa kutora matanho akasimba kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.
Rodhai zvimwe