Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Amai Yevedzo Sibanda, Vanonyora Bhuku reMitauro yeChishona neIsindebele


Munyori wemabhuku evana, Amai Yevedzo Chitiga Sibanda

Chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reMaryland muno muAmerica, Amai Yevedzo Chitiga Sibanda, vakanyora bhuku ravo rekutanga rakanangana nekudzidzisa nekudzidzisa vana mitauro miviri mikuru yechivanhu yemuZimbabwe, inove Chishona neIsindebele.

Amai Sibanda, avo vanoshanda segweta, vanoti vakaita pfungwa yekunyora bhukuru iri nechinangwa chekuti mwana wavo ane makore maviri adzidze mitauro miviri iyi kuitira kuti asazorasikirwa nechivanhu chake.

Vanoti mushure mekunge vanyora bhuku iri, vakazoonawo kuti rinogona kubatsira dzimwe mhuri dziri kunze kwenyika dzine vana vadiki, kanawo vamwe vakuru vanenge vakaroorwa kana kuroora vasiri vekuZimbabwe.

Amai Sibanda vanoti bhuku iri vakarinyora nenzira inobatanidza mazwi nemifananidzo inoyevedza, senzira yekukwezva vaverengi kuti vanakidzwe naro.

Vanotiwo vatove mubishi kunyora bhuku ravo repiri rinotaura nezvemazuva, masvondo nemwedzi yegore. Bhuku iri rinokwanisa muwanikwa padandemutande rinoti www.philisacreatives.com.

Hurukuro naAmai Yevedzo Chitiga Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG