Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Georgia Yoita Sarudzo dzeMasineta Maviri

VaJoe Biden naVaDonald Trump

Sarudzo ichaona kuti bato rine vamiriri vakawanda mudare reSeneti yeAmerica nderipi iri kuitwa mudunhu reGeorgia.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nemutevedzeri wavo, VaMike Pence, vakange vari muGeorgia neMuvhuro vachikurudzira vanhu kuti vavhotere nhengo mbiri dzebato ravo reRepublican Party dzinoda kumirira bato iri mudare reSeneti.

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vakange vari kuGeorgia vachibatsira nhengo dzebato ravo reDemocratic Party dzinoda kumirira bato iri mudare reSeneti.

Pari zvino Republican Party ine maseneta makumi mashanu, Democtratic Party iine maseneta makumi mana nemasere.

Zvichakadaro, vakuru vemabhizimisi makuru muAmerica vanopfuura mazana maviri, vakanyorera paramende yeAmerica tsamba vachikurudzira kuti nemusi weChitatu ione kuti VaBiden havavhiringwi mukuve mutungamiri wenyika.

Zuva iri ndiro rinotambirwa mavhoti akawanikwa naVaBiden mumatunhu eAmerica, rinove danho rekupedzisira kusvika pavanotora mhiko yekutungamira America musi wa 20 Ndira.

Vana muzvinabhizimisi ava vanoti nguva yasvika yekuti zvinhu zvichiitwa nenzira kwayo kwete kuti nyika irambe ichishungurudzwa nemashoko nezviito zvemunhu akakundwa musarudzo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti hapana chinochinjwa negwaro iri, vachiti chitima chekutonga kwejekerere chiri kufamba zvakanaka mu America, vachiti hapana chichatadzisa VaBiden kugadzwa semutungamiri weAmerica mumasvondo maviri asara.

See all News Updates of the Day

Mushonga Mutsva weAlzheimers Unopihwa Mvumo muAmerica

Muzinda weFood And Drug Administration

Bazi rehurumende ye America rinoona nezvekudya nemishonga, reFood And Drug Administration, rapa mvumo yekuti mishonga yechirwere chinobata pfungwa dzevamwe vanhu vanenge vave kuchembera chichikonzera kuti vakanganwe kana kusaziva zviri kuitika kwavari, kana kuti Alzheimer’s, ushandiswe.

Mushonga uyu ndewe kutanga mumakore makumi maviri uchitsvakwa.

Asi kubvumidzwa kwawo kuti ushandiswe kuri kukonzera mutauro, sezvo dzimwe nyanzi mune zvehutano dzichiti hapana humbowo hwakakwana hunoratidza kuti mushonga uyu unobatsira.

Kambani inogadzira mushonga uyu, inonzi Biogen, yakazivisa nemuvhuro wapfuura kuti mushonga uyu, uyo unotengeswa pasi pezita rekuti ‘Aduhelm’, uchange uchipiwa murwere sejekiseni kamwe chete pamwedzi kuti unonose kukanganwa kwepfungwa dze vamwe vave kuchembera.

Biogen inoti mushonga uyu unenge uchitengeswa nemari inoita zviuru makumi mashanu nezvitanhatu emadhora ($56,000) pagore.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vaudza Studio 7 kuti mushonga uyu haurapi chirwere ichi asi unotarisirwa kunonotsa kukanganwa kunoita pfungwa apo munhu ave kuchembera.

Vatori veNhau Vopomera America Mhosva yeKuvasora.

Vatori venhau mu America vari kugununguna pamusoro pezvavanoti zviri kuitwa nebazi rezvemitemo muAmerica, re Department of Justice (DOJ), vachiti bazi iri riri kuunganidza ruzivo nemazita evanhu vanofonerwa ne vatori venhau pamwe chete nemazita evanhu vanofonera vatora venhau.

Mutori wenhau we bepanhau reNew York Times, Adam Goldman, akaudza nhepfenyuro yeCNN kuti vachuchusi vemu Washington DC vanotyora mutemo weFirst Amendment uye vanotora vatori venhau sevanhu vanopara mhosva sezvinotwa neavo vanotengesa zvinodhaka, vachiti izvi zvinofanirwa kumiswa.

Mutemo we First Amendment unopa kodzero kuvanhu yekutaura zvavanoda kana kusangana nekuungana nevanhu vavanoda.

Vanodzidzisa kutapa nhau paIndiana University of Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vaudza Studio 7 kuti zvirikuitwa neDOJ zvagara zvichitwa pasi pevatungamiri vakasiyana siyana.

Muzvinafundo Mukasa vanoti DOJ inoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvinofanirwa kuitwa nebazi iri mukudzivirira America kubva kuvavengi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBiden Voshanyira Dunhu reOklahoma

VaJoe Biden

Mutungamiri we America, VaJoe Biden, nhasi vachashanyira guta re Tulsa, mudunhu re Oklahoma, uko vanoti vanoda kunopemberera kushinga kwevanhu vechitema vakararama mukupondwa kwakaitwa vatema nemhomho yevachena mugore ra 1921.

VaBiden vanoti vanhu vatema vakararama havana kuora moyo asi vakashanda nesimba vakaumba hupenyu hwavo patsva.

Kupondwa kwevatema uku kwakaitika kwemazuva maviri, anoti 31 Chivabvu ne 1 Chikumi mugore ra 1921, dzimba nemabhizimisi evatema zvichitungidzwa nemoto vanhu vachipfurwa kana kusungirirwa.

Izvi zvinonzi zvakaitika mushure mekunge umwe musikana wechichena aiva nemakore gumi nemanomwe akapomera mhosva mukomana wechitema aive nemakore gumi nemapfumbamwe achiti akange achida kumubhinya.

Zvinonzi pakaurawa vanhu vechitema vanopfuura mazana matatu.

VaBiden varikuita rwendo urwu panguva iyo vachieza kudzika mitemo inopedza rusaruraganda mu America.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanodzidzisa paIndiana University of Pennsylvania, vanoti kupondwa kwakaitwa vanhu ava muna 1921 kwaka zivikanwa muna 1995, mushure memurume ainzi Timothy McVeigh akabhomba mahofisi ehurumende muguta reOklahoma City, mudunhu re Oklahoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America Inorangarira neKukudza Magamba Akafira Nyika

Mutungairi weAmerica, VaJoe Biden, vachitaura pazuva rekurangarira magamba nemusi weMuvhuro.

Nemusi weMuvhuro kupera kwaChivabvu gore roga roga muAmerica izuva rekurangarira nekukudza magamba akafira nyika kana kuti Memorial Day.

Kubva muna 1868, America inorangarira vakafa muhondo mukupera kwaKubvumbi musi weMuvhuro gore roga roga. Asi kubva mugore ra 1971, zuva iri rakatarwa sezuva rekuzorora kuchirangarirwa vechiuto vakafira nyika.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vaisa maruva ekurangarira magamba aya pamarinda eArlington National Cemetery muVirginia.

VaBiden vati vanhu vemuAmerica vanokwanisa kupa rukudzo kune mauto akashaya aya nekusimbaradza nyaya yehutongo hwejekerere munyika mavo nepasi rose. Vanoti vanhu vane chikwereti chisingakwanise kudzorerwa kune mauto akashaya aya.

Vamwe vange vari pachiitiko ichi igurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaLloyd Austin uye mukuru wemauto General Mark Miley.

Chizvarwa che Zimbabwe chinogara mudunhu reNorth Dakota, VaTawanda Dzvokora, vanoti chakasiyana mukucherechedzwa kwezuva iri ndechekuti muAmerica, vanhu vose, pamwe chete nehurumende nemapato ezve matongerwo vanobatana kuremekedza mauto anofa achirwira zvido zveAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaDonald Trump Vanorambidzwa Zvekare Kushandisa Facebook

VaDonald Trump.

Bhodhi rinoona mafambisirwo anoitwa basa nekambani ye Facebook nezuro, Chitatu, rakabvumirana kuti vaimbove mutungamiri we America, VaDonald Trump, vasabvumirwa kushandisa ‘social media’ ye Facebook kweimwe mwedzi mitanhatu.

VaTrump vakavharirwa mukana wavo wekushandisa Facebook yavo zvichitevera mhirizhonga yakaitwa nevatsigiri vavo padare reparamende ye America, Capitol Hill, musi wa 6 Ndira 2021, pakafa vanhu vatanhatu.

Facebook nemamwe makambani e‘social media’ akashorwa zvikuru zvichinzi akange achibatsira VaTrump mukupesvedzera mhirizhonga iyi uye mukushambadza mashoko emanyepo pamusoro pezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi 2020.

Zvichitevera mashoko abudiswa nebhodhi reFacebook ekuti VaTrump vasabvumidzwa kushandisa Facebook, VaTrump vashora makambani e’social media’, anosanganisira Twitter, Instagram neGoogle, vachiti makambani aya azere huori uye anombunyikidza kodzero dzevanhu, achirambidza vanhu kutaura zvavanoda vakasununguka, izvo vati zvinotyora kodzero dzevanhu.

VaTrump vati makambani aya ari kutyityidzirwa nevatsigiri vebato re Democtratic Party.

Vanodzidzisa zvekutapa nhau paUniversity of Indiana, mudunhu re Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti VaTrump vanogona kutukirira havo makambani akaita seFacebook sezvavari kuita asi hazvina zvazvinobatsira.

Vanoti chinhu chakonzera kuti VaTrump varambidzwe kushandisa Facebook zvekare ndechekuti vari kuramba vachiita zvinhu zvakakonzera kuti vabviswe paFacebook pacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG