Mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, VaAllan Moyo, vacharamba vari mujeri mushure mekunge dare repamusoro rarasa chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekukurudzira kubviswa pachigaro kwemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.