Vakuru vakati panofa munhu hapashaikwe muroyi.
Izvi ndizvo zvave kuitika zvichitevera kushaya kwemamwe makurukota ehurumende pamwe nevamwe vakuru mubato riri kutonga reZanu PF mumazuva mashoma adarika nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Vamwe mubato iri vanonzi vari kuona sekunge ndufu idzi dzakakonzerwa nevamwe vanachiremba vari muzvipatara mairapwa vakuru vakuru ava.
Mashoko aya akatangwa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, mukupera kwesvondo, kunyange hazvo vakazoaturura vachikumbira ruregerero mushure mekunge vasimudza bovabova raive neguruva guru nemashoko avo aya.
Masangano anomirira vanachiremba pamwe nemagweta anorwira kodzero dzevanhu pamwe neveruzhinji vakashoropodza mashoko aya zvakasimba, vachiti zvinokanganisa mashandiro avanachiremba nevakoti mukuita basa ravo rekurwisa Covid-19.
Kunyange hazvo VaMangwana vakaturura mashoko avo pamwe nekukumbira ruregerero, mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vakasimudza zvakare nyaya iyi vachinyora paTwitter vachiti vanomira nemashoko aVaMangwana pamwe negweta reZanu PF, VaTabani Mpofu.
VaMugwadi vakati panofanirwa kutoitwa ongororo nekuferefetwa kwefiro dzenhengo dzebato ravo idzi, vachiti zviri kubuda kubva kune vamwe vatungamiri mubato rinopikisa reMDC Alliance zvinoratidza kuti vari kupemberera kushaya kwemagamba enyika uku.
Vanoti zvinozowedzerwa nenyaya yekuti zvinozivikanwa kuti veMDC Alliance ava vanodyidzana nevamwe vanachiremba vanogara vachiramwa mabasa uye kuburitsa mashoko ekunyepa kuti vanhu vari kupambwa munyika.
Nhengo yeZanu PF mudunhu reBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti kunyange hazvo VaMangwana naVaMugwadi vakataura mashoko aya, vaviri ava vakataura vakazvimirira.
Asi Doctor Mavaza vanotiwo hapana chinotadzisa vamwe vanachiremba kupindwa nemweya wakapia wakadaro zvichionekwa kuti munyika makatomboita vamwe vanachiremba vakambotongwa nemhosva dzekukanganisa maitiro ebasa ravo, nekudaro vanachiremba havasi pamusoro pengirozi.
Asi munyori wezvehutano muMDC Alliance uye vakambove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vanoti mashoko akadaro haana kunaka munguva yekurwisana nedenda guru rakadai.
Dr. Madzorera vanoti zvinoshoresa zvikuru kuti paite vamwe vane pfungwa yekuti vanachiremba nevakoti vane zvaviri kuita mukuita kafira mberi nhengo dzerimwe bato, vachiti vanachiremba nevakoti ava vari kuzvipira zvakanyanya kushanda munguva ino yeCovid-19.
Asi vanoti vanobvumiranawo naDoctor Mavaza kuti vanachiremba havsi ngirozi, uye kunogona kuve nevamwe vanoshatisa basa rinoitwa nevakawanda, asi vanoti pane nzira dzekumhan'arira vanachiremba vakadaro, kwete kurova bembera padandemutande.
Facebook Forum