Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inowedzera Mazuva eKuvharwa kweNyika


Vice President Constantino Chiwenga would soon meet the striking doctors, according to the government.
Vice President Constantino Chiwenga would soon meet the striking doctors, according to the government.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaCostantine Chiwenga. vasizivisa kuti National Lockdown Level Four icharamba iriko kusvika musi wa15 Kukadzi.

Vachitaura apo vawedzera mazuva eNational Lockdown iyo ine chinagwa chedzivirira kupararira kweCovid-19, VaChiwenga vati hurumende iri kuramba ichivheneka vanhu sezvo pave neimwe mhando yehutachiwana hwedenda hunoparira nekukasika.

Vatiwo patove nehurongwa hwekutenga mishonga yekudzivirira denda iri uye veruzhinji vachaziviswa nezvehurongwa uhwu.

VaChiwenga vatiwo Lockdown iri kushanda vachiti kubvira payakatanga huwandu hwevanhu vabatwa neCovid 19 hwadzikira uye huwangu hwevanhu vari kupora kubva kudenda iri hwakwira kubva pazvikamu makumi mashanu nezvina kubva muzana kusvika pazvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana.

Vati nekuda kwaizvozvo hurumende yaona zvakakodzera kuwedzera mazuva eLockdown kusvika musi wa15 Kukadzi.

Mapurisa anoti ari kusunga zviuru nezviuru zvevanhu pazuva vanenge vaonekwa vachityora mitemo yeLockdown.

Hurumende yakatozivisa kuti vashandi vayo vari pasi pezvikamu gumi kubva muzana, ndivo chete vari kubvumidzwa kuenda kubasa senzira yekudziviria kupararira kweCovid-19 iyo yauraya vanhu vanodarika chiuru nezana nemakumi matanhatu, kana kuti 1, 160.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG