Accessibility links

Breaking News

Imwe Nyanzvi Inoti Dzimwe Tsika dzeChivanhu paRufu Dzokonzera Kupararira Zvakanyanya kweCovid-19


Nyanzvi munyaya dzezvehutano vari munyori mukuru musangano ravanachiremba vakuru reSenior Hospital Doctors Association, VaAaron Musara, vari kukurudzira vanhu kuti vasiyane netsika yekuungana parufu vachidya vachiti izvi zvave kupa kuti vakawanda vatapurirwe chirwere cheCovid-19.

Vanochera makuwa muHarare vaudza Studio7 kuti pavanhu vashanu vari kuvigwa kumarinda, vatatu vacho vanenge vafa nechirwere cheCovid-19 uye vanoti basa ravawandira zvakanyanya kubva muZvita.

Hurumende inokurudzira vanhu kuti vaungana vasingadarike makumi matatu kazhinji vari vehukama chete.

Pane kurudzirowo yekuti vafa neCovid-19 vabva vangonanga kumakuwa kubva kumamochari kwete kuti mitumbi imboendeswa kudzimba.

Vanhu vari kubvumidzwa kuviga munhu vanofanira kunge vari makumi matatu chete.

Hurukuro naVaAaron Musara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG