Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youdzwa Kuti Inosungirwa neMitemo Kujekesa Hurongwa Hwayo hweKuwanira Veruzhinji Nhomba yeCovid-19


Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights says is hopeful that the high court will release the activists on bail, June 3, 2019.

Sangano remagweta anorwira kodzera dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Humans for Rights rinonyorera tsamba kurumende richiti inofanira kuburitsa pachena hurongwa hwekutenga mishonga yenhomba yekudzivirira Covid-19 pamwe nekuti hurongwa kwekubaya vanhu huchafambiswa sei.

Mugwaro rayo kugurukota rezvehutano zvakare vari, vari vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti Covid-19 iri kubata nekuuraya vanhu vakawanda asi veruzhinji havana ruzivo pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekutenga mishonga yekudzivirira vanhu kuti vasabatwa nedenda iri.

Mutauriri wesangano iri, VaKumbirai Mafunda, vati hapana ruzivo rwekuti kunyange mishonga iyi ichinge yavepo, hapana hurongwa hwekuti vanhu vachawana mishonga iyi sei.

Vati nekuda kwaizvozvo vanyorera hurumende vakamirira veruzhinji kuti ibude pachena pamusoro penyaya iyi.

VaMafunda vati vaita chikumbiro ichi vakamirira veruzhinji uye vachitevedza bumbiro remitemo yenyika.

Vati vari kupa hurumende kusvika musi wa3 Kukadzi kuti ivape ruzivo rwese rwavari kuda vachiti kana ikatadza kuita izvi vachatora mamwe matanho ekuti izvi zviitwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvehutano pagwaro ranyorwa neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Asi vachizivisa veruzhinji nezvekuwedzera mazuva eLockdown, VaChiwenga vati Zimbabwe ine hurongwa hwekutenga mishonga yekudzivirira denda iri uye veruzhinji vachaziviswa nezvehurongwa uhwu.

Apo Zimbabwe ichiri kuronga kuti yoshandisa mishonga ipi pakudzivirira Covid-19, dzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seMorocco, Egypt, Seychelles neGuinea dzakatotanga kubaya vanhu vadzo mushonga wenhomba yekudzivirira Covid-19.

South Africa ichatanga kubaya vanhu vayo mwedzi unouya sezvo iri kutanga kuwana mishonga iyi nemusi weMuvhuro unouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG