Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzinoti Mutemo weLockdown Hausi Kubatsira Veruzhinji Mune zveHupfumi neMagariro eVanhu


Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti vanhu vakawanda vari kukanganiswa raramo yavo nemutemo welockdown sezvo vachizvishandira voga.
Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti vanhu vakawanda vari kukanganiswa raramo yavo nemutemo welockdown sezvo vachizvishandira voga.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina manheru kuti vanhu makumi matatu nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pachiuru nezana rine makumi matanhatu, kana kuti 1160.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose hwakasvika pazviuru makumi matatu nezviviri zvine mazana matanhatu nemakumi mana nevatanhatu, kana kuti 32 646 mushure mekuwanikwa kwevamwe vanhu mazana matatu nemakumi mana nevaviri vaine chirwere ichi nemusi weChina wakare.

Huwandu hwevanhu vapona kubva ku Covid-19 munyika hwakasvikawo pazviuru makumi maviri nezvina zvine mazana mana negumi nevapfumbamwe, kana kuti 24 419.

Izvi zviri kuuya panguva iyo hurumende yazivisa neChishanu kuti yawedzera nemasvondo maviri chirongwa cheNational Lockdown Level Four kusvika musi wa 15 Kukadzi, nepamusana pekuti dambudziko reCovid-19 riri kuramba richikura munyika.

Vachizivisa veruzhinji, vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vati hurumende iri kuitawo ongororo dzakadzama dzekuti ione kuti imhando ipi yehutachiwana hweCoronavirus huri munyika, uye vakurudzira veruzhinji kuti vagare vakangwarira.

Nyanzvi mune zvehutano vachitungamira sangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kunyange hazvo mutemo unorambidza vanhu kufambafamba, kana kuti lockdown, wawedzerwa havasi kuona danho iri richigadzirisa matambudziko ezvehupfumi nemagariro akatarisana neveruzhinji.

VaRusike vanoti nekuda kwekuti vanhu vakawanda vanorarama nekuzviitira mabasa emaoko, mutemo uyu wave kuvatadzisa kuti vaite mabasa anoriritira mhuri dzavo.

Vanoti hurumende inofanirwa kunge ichipa vanhu ava rubatsiro rwakaita semari kana chikafu kuti vabatsirikane.

VaRusike vanotiwo hurumende inofanirwa kukaka matende ekuisa vanhu vanenge vachifanirwa kumbotsauka kubva kumhuri dzavo kana vachinge vabatwa vaine chirwere, kana kuti self-isolation, kuitira kurerutsira mhuri dzinogara muimba imwechete dzakawanda.

Panhau yedzidziso, VaRusike vanoti hurumende inofanirwa kusimbisa nyaya yedzidziso pamusoro peCovid-19 sezvayakaita pachirwere cheHIV/AIDS, kuitira kuti veruzhinji vakwanise kunzwisisa hudzamu hwedenda iri.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG