Accessibility links

Breaking News

Nhamo Yoramba Yakabata Vamwe Vagari kuChimanimani


Zimbabwe Cyclone
Zimbabwe Cyclone

Vamwe vagari vekuChimanimani vanodarika gumi nevaviri vanonzi vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Izvi zvakaitika mushure mekunge hurumende yati vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi matanhatu vange vambotama musha nekutyira kuyeredzwa nemafashamu emvura vadzokere kumisha yavo yekumatende avari kugara kubva muna 2019 apo vakaparadzirwa misha nedutumupengo reCyclone Idai.

Vanhu ava vakambotamiswa mushure mekunge dunhu iri rapindazve munzira yemafashamu emvura nemadutumupengo emhepo maviri kana kuti Tropical Storm Chalane yakarova muna Zvita, uye Tropical Storm Eloise mwedzi uno.

Manicaland ndiro dunhu riri kutevera Harare pavanhu vakawandisa vari kurwara neCovid-19 pari zvino vanove mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevasere kana kuti 938.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro mubazi rekudzivirira njodzi kuManicaland kana kuti Civil Protection Committee chairperson, VaEdgars Seenza, vange vachitungamira hurongwa hwekubatsira vanhu ava. Asi tabata mumwe mugari wekuChimanimani kuNgangu VaPardon Maguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG