Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanotaura Zvakadzama Pamusoro peChirwere cheCovid-19


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano padandemudande vachitenda vanhu vose vari kushanda panguva ino nyika yakatarisana nedenda reCovid-19.

VaChamisa vatiwo hurumende inofanirwa kupanga mazano nenyanzvi kuitira kuti ipedze denda reCovid-19.

VaChamisa vati chirwere cheCovid-19 chinoda kuti vana veZimbabwe vaite muonerapamwe kuitira kuti vakwanise kukunda chirwere ichi.

VaChamisa vati bato ravo rinotenda zvikuru zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika izvo zviri kubatsira kusimudzira zvipatara zvemunyika apo nyika yakatarisana nechirwere chedzihwa mupengo ichi.

VaChamisa vatiwo havaoni zvine huchenjeri kuvhara nyika yese vakati vanoona sekuti zvingabatsire zvakanyanya kana kukaitwa tsvakurudzo kwoonekwa kuti chirwere cheCovid-19 chakawandira nzvimbo dzipi, kovharwa idzodzo.

VaChamisa vati hurumende inofanirwa kutanga zvirongwa zvekuderedza huwandu hwevanhu vari mumajere pamwe nekuona kuti vanhu vanopara mhosva diki vapihwa mitongo isingavaise mumajeri senzira yekudzivirira kuapararira kwechirwere ichi mumajeri umo vanhu vari kugara vakamanikidzana.

VaChamisa vakurudzirawo hurumende kuti ibatsire vanhu vari kutambura panguva ino vachiti vana veZimbabwe vakawanda vanorarama nekuzvishandira nekudaro kuvharwa kwenyika kuri kuvasiya vari parumananzombe.

VaChamisa vakurudzirawo hurumende kuti iite tsvakurudzo dzakazara vanhu vasati vatanga kubaiwa nhomba yeCovid-19.

Mumwe muongoroi wezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development, VaOwen Dhliwayo, vati mashoko ataurwa naVaChamisa ekubatana nekuitwa kwetsvakurudzo pasati patorwa matanho ekudzivirira chirwere ichi akakosha.

VaDhliwayo vatsigirawo kuti zvakakosha kuti panguva ino nyika iri panguva ye National Lockdown, vanhu vawaniswe rubatsiro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende nemashoko aVaChamisa aya sezvo nharembozha dzemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, yanga ichinetsa kubata.

Asi vachitaura kunyika neMugovera, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatiwo vanhu vashande pamwe chete kurwisa chirwere cheCovid-19.

VaMnangagwa vakavimbisawo rubatsiro rwavakati rwuchange rwuchipihwa veruzhinji, asi havana kutaura kuti rubatsiro urwu rwuchapiwa vanhu rinhi.

Nyanzvi munyaya dzehutano pamwe nedzematongerwo enyika dzarumbidza zvaitwa naVaChamisa zvekushandisa dandemutande reFacebook kutaura neveruzhinji dzichiti izvi zvinoita kuti vanhu vasaungane munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Mashoko aVaChamisa ndeekutanga gore rino vachitura mashoko kunyika yose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG