Mutauriri weJudicial Services Commission, Muzvare Rumbidzai Takawira, vati kunyange hazvo matare anenge akavhurwa panguva iyi, haakwanisi kuita mabasa awo sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvipingaidzo.
Vagari vemudunhu reGeorgia muAmerica vari kuvhota neChipiri musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa, kana kuti run-off, iyo yakakosha zvikuru pakati pemapato eRepublican Party neDemocratic Party, sezvo bato richatora zvigaro zviviri izvi richave ndiro rine masimba mudare reseneti.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera veruzhinji.
Nyaya yekumbovharwa kwemakambani akawanda uye kuti vanhu vagare mudzimba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus chakomba munyika iri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichapa kuti hupfumi hwenyika hutoramba hwakananga kumawere.
Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawu, vanoti mutumbi waVaRoy Dikinya, avo vakadonhera mugomba riri pamapopoma eVictoria Falls zuva regoredzva, wakawanikwa asi havasati vakwanisa kuutora kubva pawakadonhera.
Zvichakadaro, vakuru vemabhizimisi makuru muAmerica vanopfuura mazana maviri, vakanyorera paramende yeAmerica tsamba vachikurudzira kuti nemusi weChitatu ione kuti VaBiden havavhiringwi mukuve mutungamiri wenyika.
Hurumende neMuvhuro yakasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti chekuti dare ripe mutongo wekuti meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukanzuru yeHarare vasabvumidzwe kubuda mujeri kusvika mhosva yavo yatongwa.
Vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe Cricket vamisa mitambo yese kusanganisira makundano ezvikwata zvemuno eT20 Logan Cup ayo anga achifanira kutanga neMuvhuro mangwanani.
Apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vatange kugara mumba kutanga mangwana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti vangwarire kutapurirwa chirwere sezvo parizvino vanhu vari kuvhenekwa vachiri vashoma.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamwe nevakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika vakamirira kugadzwa, VaJoe Biden, neMuvhuro vari kutarisirwa kupinda mudunhu reGeorgia kunobatsira nhengo dzemapato avo kutsvaga rutsigiro.
VaTrump vakaita awa yose vari parunhare vachiedza kunyengetedza VaRaffensperger kuti vavawanire mavhoti anoita zviuru gumi nechimwe, zvine mazana manomwe nemakumi masere (11,780) kuti vagonzi ndivo vakakunda mudunhu iri, kwete VaJoe Biden.
Dare remajaji mashanu iri rakatonga kuti vakachata zviri pamutemo vanogona kusiya hupfumi hwavo kumunhu wavanoda asiri wavakange vakawanana naye.
Rodhai zvimwe