Vananyamukuta vepachipatara cheSally Mugabe icho chaimbonzi Harare Central Hospital vaswera vachiramba kupinda muchipatara kuti vabatsire madzimai akazvitakura vachiti havana mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.
Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8, 180.
Danho iri rave kureva kuti VaBiden, vebato reDemocratic Party, vave kukwanisa kutoreswa mhiko yekutungamira nyika musi wa 20 Ndira gore rino pasina anopikisa.
Kunyangwe vanhu vakawanda vari kutenderana kuti chirwere cheCovid-19 chapararira zvinotyisa munyika, nyaya yekuti zvogadziriswa sei iri kuunza kusabatana zvikuru danho rehurumende rekuti vakawanda vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu.
Mhomho yevatsigiri vaVaTrump yakapunza mahwindo nemisuwo izvo zvakakonzera kuti nhengo dzose dzeparamende dzitize kana kuvanda kusvika mapurisa asvika.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nezuro vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Vakafanobata chigaro chemeya weHarare, VaStewart Mutizwa, vati zviri pachena kuti guta reHarare ndiro ranyanyovhiringwa nechirwere ichi, nekudaro vanhu ngavagare mudzimba sezvakataurwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati vatatu ava vagare mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekusendeka parutivi mimwe mwedzi mitanhatu.
Amai Sibanda, avo vanoshanda segweta, vanoti vakaita pfungwa yekunyora bhukuru iri nechinangwa chekuti mwana wavo ane makore maviri adzidze mitauro miviri iyi kuitira kuti asazorasikirwa nechivanhu chake.
Mutauriri weJudicial Services Commission, Muzvare Rumbidzai Takawira, vati kunyange hazvo matare anenge akavhurwa panguva iyi, haakwanisi kuita mabasa awo sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvipingaidzo.
Rodhai zvimwe