Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaMnangagwa Yoramba Iri Munyika Dziri Kutadza Kupedza Huori


Zimbabwe iri kuramba iri pasi zvichienzaniswa nedzimwe nyika munyaya yekurwisa huori mumapazi ehurumende.

Tsvakurudzo yakaparurwa nemusi weChina neTransparency International iyo inoratidza huori mumapazi edzihurumende kana kuti Corruption Perception Index CPI, inoratidza kuti mugore rapera ra2020, Zimbabwe haina kumboedza kurwisa huori sezvo yakadzikira nezvibodzwa zvakafanana nezvegore ra2019.

Chipagamazano muTransparency International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vanoti pachiyero cheCPI vanowana 0 vanenge vaine huori hwakanyanya huye vanenge vane zana ndivo vanenge vakachena.

VaChikumbu vanoti Zimbabwe yakawana zvibodzwa makumi maviri nezvina kubva muzana izvo zvakawanikwa gore rapera.Izvi zvakaita kuti Zimbabwe ive panhamba 157 kubva panyika zana nemakumi masere dzakaongororwa.

VaChikumbu vanotiwo tsvakiridzo yeTransparency International iyi yakabudisawo pachena kuti nyika dzisina huori hwakanyanya dziri kurwisa denda reCovid-19 zvirinani zvichienzaniswa nenyika dzine huori hwakanyanya.

VaChikumbu vanotiwo zviri pachena kuti denda reCovid-19 harisi dambudziko rehutano chete asi kuti idambudziko rinoratidza mamiriro enyika munyaya dzezvehupfumi vachiti izvi zvinobuda pachena kuchitariswa kusashandiswa nemazvo kwemari dzaifanirwa kubatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Transparency International Zimbabwe yatiwo zvakabuda izvi zvinokanganisa kuuya kwevemabhizimusi vekunze kuzotanga mabhizinesi muZimbabwe.

VaChikumbu vanoti sesangano vanoona sekuti mitemo ine chekuita nekurwisa huori haisi kushandiswa zvakakwana,

Mukuru wesangano rakazvimiririra rinorwisa huori reYouth Forum Zimbabwe, VaAshton Bumhira, vatiwo tsvakurudzo iyi inoratidza pachena kuti hurumende yeZimbabwe haina hany’a yekuderedza huori.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende maonero ayo etsvakurudzo idzi asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogarotaura nezvedonzvo rehurumende yavo rekurwisa huori.

Vachitaura padandemutande nezuro nezv tsvakurudzo iyi, mutauriri wekomisheni inobata nyaya dzehuori, Zimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc, VaJohn Makamure, vakati vari kutambira tsvakurudzo iyi. VaMakamure vakati tsvakurudzo dzose dzine chekuita nezvehuori dzinokosheswa nekomisheni yavo vachiti dzinobatsira mukurwisa huori.

Zacc inotiwo iri mushishi kugadzirisa hwaro hwekurwisa huori munyika.

CPI yegore ra2020 iyi inoratidza kuti Denmark neNew Zealand ndidzo nyika dzakawana zvibodzwa zvepamusoro soro makumi masere nezvisere kubva muzana.

Nyika dzakawana zvibodzwa zvepasi pasi inyika dzemuAfrica, dzinoti Somalia neSouth Sudan idzo dzakawana zvibodza gumi nezviviri kubva muzana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG