Accessibility links

Breaking News

Nyika Inovharwa kweMazuva Makumi Matatu Ichirwisa Covid-19


Zimbabwe police
Zimbabwe police

Vanhu vakawanda vatevedzera kurudziro yehurumende yekuti vanhu varemekedze mutemo weNational Lockdown Level Four uyo achange uripo kwemazuva makumi matatu.

Asi vakawanda vari kuchemachema nerekuti hurongwa uhu huchavasiya vari munzara.

Veruzhinji muBulawayo vagara kudzimba dzavo pakutanga kwelockdown
nhasi uye nzvimbo dzakawanda dzinosive dzakazara vanhu mudhorobha
dzange dziine vanhu vashoma-shoma kusanganisira kunoziikanwa kunzi
kuMarket muna Fifth Avenue.

Pange paine ma roadblock mumigwagwa yakawanda inopinda mudhorobha uye vamwe vanhu vange vachida kupinda mudhorobha vasina magwaro anodiwa vange vachidzorerwa kumba.

Asi vamwe vataura neStudio7 vati izvi zvange zvichiitwa nenzira yakanaka pasina kutyisidzira kana kuvhundutsira vanhu kunosiitwa nemapurisa nemasoja panguva dzakadai.

Vakawanda vange vachichema-chema vachiti pane kuti hurumende iise
lockdown zviri nani kuti iite zvose zvainogona kuti vanhu vatevedzere
zvinotaurwa nenyanzvi dzezvehutano pakudzivirira chirwere cheCovid-19.

Mumwe ane chitoro chinotengesa zvakasiyana-siyana mudhorobha uyo
angoda kuzvidoma nezita rekuti Moyo ati kuvharwa kuchasiya
vakawanda vari munzara.

Mumwe anorarama nekutengesa zvirimwa zvakasiyana-siyana paMarket,
VaTyson Shumba, vati vanonzwisisa kuti sei hurumende yakaisa mutemo
wekuvharwa kwenyika asi vati ivo semumwe wevanhu vanozvishandira, shuviro yavo ndeyekuti dai hurumende yakavapa mukana wekuti varambewo vachishanda.

Mumwe anorarama nekutengesa, Amai Memory Gaviro, vaudza Studio 7 kuti vanhukadzi kunyanya ndivo vanonyanya kuomerwa nekushaiswa mukana wekuita mabasa avo nekuda kwekuvharwa kwenyika.

Vati vanhu vakawanda vanogona kufa nenzara sezvo pasina matanho akatorwa nehuruemende ekuti ape veruzhinji vanotambura mari yerubatsiro panguva yelockdown.

Mumwewo mugari, VaFarai Zowa, vati kunyange hazvo vachibvuma kuti
mitemo iyi inoomesera veruzhinji, zvakakosha kuti ivepo senzira yekuedza
kurwisa chirwere cheCovid-19 icho choramba chichikura munyika nepasi
rose.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi uye vari muongorori
akazvimirira, VaFelix Chari, vati nekuda kwekuti hupfumi hwenyika
hwagara husina kumira zvakanaka, Lockdown Level Four ichawedzera kutambura kweveruzhinji. Vati zvange zviri nani kuti hurumende isimudzire dzimwe nzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mutauriri wemutungamiri weMDC T, VaWitmess Dube, vati bato ravo riri
kushushikana nekutekeshera kwechirwere cheCovid 19 munyika uyewo kuti chave kubata vechidiki.

Vati dai hurumende yawana dzimwe nzira dzekurwisa chirwere vachitiwo
vanhu vanozvishandira pachavo vega vanofanirwa kubvumidzwa kuramba
vachishanda.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera
veruzhinji.

Gurukota revashandi pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima, vabvuma kuti hurumende yange isati yatora danho rekupa
vamwe veruzhinji vanotambura mari yerubatsiro nekuti lockdown yerwendo
rwuno yakaitwa nechimbi-chimbi.

Asi vati nekuda kwekuti lockdown inogona kuvepo kwenguva yakareba bazi ravo riri mushishi kutaura nebazi rezvemari kuti rubatsiro urwu rupiwe kuvanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG