Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuvhiringidzika Kwakanyanya kweHupfumi neNyaya yeKuti Vanhu Vagare Mudzimba


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Nyaya yekumbovharwa kwemakambani akawanda uye kuti vanhu vagare mudzimba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus chakomba munyika iri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichapa kuti hupfumi hwenyika hutoramba hwakananga kumawere.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti gurukota rezvehupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube ndivo chete mushanyi muJerusarema ange asiri kuziva zviri kuitika apo vakavimbisa kuti hupfumi hwenyika huchawedzera nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4% gore rino apo vaiparura bhajeti.

Asi nyanzvi idzi dzinoti aka handi kekutanga VaNcube vachivimbisa mashura asi vachikundikana nekuti vakambozviita muna 2019 na 2020 kuti hupfumi huchaita nani asi akava manyautsa mukanwa harawa kurota ichiyamwa.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe Doctor Israel Murefu vanoti nemamiriro aita zvinhu hapana chekuita kunze kwekuvhara mamwe makambani.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vati hurumende yaifanira kutanga kuvhara nzvimbo dzanyanya kukomba chirwere kwete nyika yose. VaMugano vatiwo kungvhara vanhu vasiri kuvhenekwa hazvina zvazvinobatsira.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe congress of Trade Union kana kuti ZCTU VaJaphet Moyo vatiwo vashandi havana kunge vasumwawo nezvedanho rekuvharwa kwemakambani vakati pakambonzi makambani avharwe vakawanda vakarasikirwa nemabasa.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka asi vakati kumboti vanhu vagare mudzimba kunobatsira kuti chirwere chisanyanye kupararira. Vati kuvhurwa kwemakambani akakosha seemiodhi nekurima kunobatsira kuti hupfumi husabvaa hwagwadama.

Nyanzvi dzakawanda dzakagara dzayambira kuti zvinonetsa kusimudzira hupfumi hwenyika sezvo mari yekunze ichishaikwa, vanhu vakawanda vasina mabasa uye mamiriro ekunze achingochinja. Asi VaNcube vainge vati vanotarisira mwaka wakanaka wekurima uye kuwana mari kubva muzvicherwa. Nyiak dzakawanda pasi rose dziri kutatarika munyaya dzezvehupfumi nekuda kwedenda iri.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG