Accessibility links

Breaking News

DJ Fantan, Levels naDhama Vopika Mujeri kweMwedzi Mitanhatu


Zimbabwe Prisoners
Zimbabwe Prisoners

Dare ramejasitiriti ratongera neChitatu ma DJ matatu kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekubata kwaravaita vaine mhosva yekuunganidza vanhu pavakaridza mimhanzi vakamirira kusvika kwegoredzva muHarare.

Vasungwa ava, avo vanoti Arnold Kamudyariwa uyo anozivikanwa nezita rekuti DJ Fantan, muridzi wekambani inotsikisa mimhanzi yeChillspot Records, Tafadzwa Kadzimwe, uyo anozikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Levels pamwe naTinashe Chanachimwe, uyo anozivikanwa zvikuru mune zvemimhanzi nezita rekuti Dhama, vawanikwa vaine mhosva yekutyora mirawu yeCovid 19 pamwe nemutemo wePublic Health Act.

Pakutongwa kwenyaya iyi, vatatu ava vakabvuma mhosva yavaipomerwa vachiti vakanga vakaronga vanhu vavairidzira kuti vasadarike makumi mashanu sezvinotaurwa nemirawu yeCovid 19, asi vanhu vakazenge vave kungouya vachiona vachiridza mimhanzi.

Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati vatatu ava vagare mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekusendeka parutivi mimwe mwedzi mitanhatu.

Vati vaona zvakakodzera kuti vasungwa ava vagare mujeri sezvo vati kuvati vabhadhriswe faindi kana kushandira mahara kwechinguva kunozivikanwa nekuti community service kuchidzikisira mhosva yavakapara.

Vati chirwere cheCovid 19 chiri kuuraya vanhu vakawanda pasi rose, nokudaro anotyora mitemo inobata chirwere ichi anofanorwa kurangwa zvakasimba.

Mutongi wedare ati zvakaitwa nevasungwa ava zvakapinza veruzhinji munjodzi yekubatira chirwere cheCovid 19.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaTafadzwa Hungwe, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare asi vati havana kufara nemutongo uyu.

VaHungwe vatiwo vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro vachiti kunyange hazvo mukuru wevatongi munyika akati nyaya dzichange dzichinzwikwa nematare munguva ino yekuvharwa kwenyika nekuda kwechirwere cheCovid 19 dziri nyaya dzinenge dziri dzinokodzera kunzwikwa zvechimbichimbi pamwe nedze avo vanenge vachida kutongwa vachibva kudzimba dzavo, vachatora matanho ekuti nyaya iyi inzwikwe.

Veruzhinji vanga vauya kuzonzwa nyaya iyi varambidzwa kupinda mumatare senzira yekutevedzera zvakatarwa nehurumende kuti vanhu vasaungane senzira yekuedza kuderedza mukana wekutapuriranwa kwechirwere cheCovid 19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG