Sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti sebato, vanofara nekusarudzwa kwaVaJoe Biden naAmai Kamala Harris.
Muzvinabhizimisi wechidiki, VaGenius Kadungure vaizivikanwa nekuti "Ginimbi' vakashaya nemusi weSvondo mangwanani munjodzi yemotokari muna Borrowdale Road, Harare vachienda kumba kwavo kuDomboshava.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nevamwe vatungamiri venyika dzepasi rino mukukorokotedza VaJoe Biden nekukunda musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica.
Vakambove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica kwematemu maviri, VaJoe Biden, vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri mutsva weAmerica wechimakumi mana nematanhatu gore rinouya musi wa 20 Ndira, zvichitevera kukunda kwavakaita VaDonald Trump musarudzo yemutungamiri weAmerica nemusi weMugovera.
Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakunda musarudzo yemutungamiri weAmerica zvichitevera kukunda kwavaita mudunhu rePennsylvania.
Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, aunzwa kudare akaiswa ngetani dzemumaowoko nedzemumakumbo izvo zvashorwa zvikuru nerimwe remagweta ake, Amai Beatrice Mtetwa Mtetwa mudare.
Vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nemapato ezvematongerwo enyika vanoti kunyange hazvo paine kugunun’una kubva kumutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, sarudzo dzekuAmerica dzaikaitwa zvakajeka uye zviri kubuda musarudzo idzi zvinoratidza zvido zvevanhu vemuAmerica
Kunyange hazvo mavhoti achiri kuverengwa mumatunhu mashanu anoti Pennsylvania, Georgia, North Carolina, Arizona neNevana, zvabuda kusvika pari zvino zviri kuratidza kuti VaBiden vari kutungamira.
Vari kutevera zviri kuitika muAmerica vanoti Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda kubva mumafambisirwo enyaya dzesarudzo dzemuAmerica.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati varwadziwa zvikuru sebato nekushaya kwaVaDinar.
Kuziviswa kwezviri kubuda musarudzo kunosiyanasiyana zvichienderana nemitemo yematunhu ose emuAmerica panyaya dzesarudzo, uye kuverengwa kwemavhoti mumatunhu aya.
Rodhai zvimwe