Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Ginimbi


Genius "Ginimbi" Kadungure

Muzvinabhizimisi wechidiki, VaGenius Kadungure vaizivikanwa nekuti "Ginimbi' vakashaya nemusi weSvondo mangwanani munjodzi yemotokari muna Borrowdale Road, Harare vachienda kumba kwavo kuDomboshava.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vatenda kuti VaKadungure nevamwe vatatu vaange ainawo vakashaya uye vachiri kuferefeta chakakonzera tsaona iyi.

VaKadungure vange vari mumotokari yemhando yeRolls Royce iyo yakabva yatsva ichipisa vamwe vatatu zvekusara vave dota mushure mekubonderana nemotokari yeHonda Fit. Motokari yaVaKadungure yakarovera pamuti ndotanga kubvira.

VaNyathi vanoti kunyangwe hazvo VaKadungure vakaburitswa vari vapenyu, havana kuzorarama kwenguva yakareba. Vanhu vaviri vainge vari muHonda Fit vanonzi vakaendeswa kuchipatara.

Vanhu vakawanda munyika kusanganisira vaimbi, vezvematongerwo enyika nevamawe vabatana mukuchema Ginimbi pamadandemutande akasiyana siyana kusanganisira Twitter neFacebook.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG