Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopa Maonero Adzo Mafambiro eSarudzo muAmerica


Matunhu mashoma asarira anonzi achiri kuverenga mavhoti, zvikuru akatumirwa neposvo.
Matunhu mashoma asarira anonzi achiri kuverenga mavhoti, zvikuru akatumirwa neposvo.

Sarudzo dzemuAmerica dzichiri kuverengwa uye mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika iyi, VaJoe Biden, vachiri kutungamira muzvigaro zve electoral college zvavawana kusvika pari zvino zvichienzaniswa nezvigaro zvawanikwa nemumiriri weRepublic Party, uye vari mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Kuziviswa kwezviri kubuda musarudzo kunosiyanasiyana zvichienderana nemitemo yematunhu ose emuAmerica panyaya dzesarudzo, uye kuverengwa kwemavhoti mumatunhu aya.

Kuti munhu anzi ndiye akunda musarudzo yemutungamiri wenyika anofanirwa kunge awana zvigaro zve electoral college zvinosvika mazana maviri nemakumi manomwe, kana kuti 270 kana kudarika, kubva pazvigaro mazana mashanu nemakumi matatu nezvisere, kana kuti 538 electoral colleges.

Matunhu ose emuAmerica kunze kwemaviri chete anoti Maine neNebraska, anoshandisa mutemo wekuti anenge akunda ndiye anotora zvigaro zvose.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti nekuda kwekusiyana kwemitemo yematunhu, zvichabuda musarudzo zvichanonoka, asi vanoti chazvakanakira ndechekuti zvese zvinenge zvichiitika zvinenge zvichiiswa pachena kuti veruzhinji vazive.

“Zvandinoziva ndezvekuti sarudzo dzekuAmerica nokuda kwomurawo wavo, wokusharwa kwa president unozotungamira nyika, vanetsika yakati kanyaneyi.

"Haina kunyanya kuita sedzimwe nyika kungoti vanhu vakangokanda vhoti yavo yotoverengwa ipapo ichibuda, zvokuti ma states ose ari makumi mashanu imwe neimwe inopuwa uremu hwayo, zvigaro zvayo,”vadaro Doctor Zembe.

Doctor Zembe vanoti zvinobuda musarudzo idzi.zvinowedzerwa kunonoka nekuda kwekuti mamwe mavhoti anenge atumirwa neposvo kubva kuzvizvarwa zveAmerica zviri munyika yose.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanotiwo vanowirirana nemaonero aDoctor Zembe vachitiwo chavanonyanyofarira ndechekuti jekerere remuAmerica rinobuda pachena kubva munguva yesarudzo kusvika pakuverengwa kwemavhoti, pasina kupindira kweanenge ari mutungamiri wenyika panguvayo.

“Asi wakanyatsoongorora kuti inonzi the biggest democracy munyika haisi United States, iIndia, havatori mazuva akawanda. Ini ndofunga kuti system yavo yakanaka ehee, yakanaka kuti sarudzo isazokondirorwa nemunhu mumwechete sezvinoita kuno uku,” vanowedzera VaNgwenya.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe pamwe naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG