Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weGlen View North, VaKennedy Dinar, Vashaya


MDC A MP Kennedy Dinar
MDC A MP Kennedy Dinar

Vanga vari mumiriri weGlen View North mudare reNational Assembly, VaKennedy Dinar, vashaya, zvichitevera kurwara kwavanga vachiita.

VaDinar vashaya neChina vava nemakore makumi mana nemaviri.

VaDinar vashayikira kuchipatara cheChitungwiza General Hospital mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati varwadziwa zvikuru sebato nekushaya kwaVaDinar.

VaHlatywayo vati hurongwa hwekuradzikwa kwavo huchaziviswa nekufamba kwenguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kushaya kwaVaDinar kunoitika nguva pfupi mushure mekushaya kweimwe nhengo yebato iri, Amai Fanny Chirisa.

Izvi zvakaitika mushure mekunge imwe nhengo yebato iri, Amai Miriam Mushayi, vashayawo muna Gunyana, mushure mekufenda vaenda kunotsigira mutevedzeri wasachigaro webato iri, VaJob Sikhala, avo vainge vasungwa.

Amai Mushayi vakaendeswa kuchipatara musi wavafenda, vakazoshaya mushure memazuva mashoma.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG