Vana vanosvika zana vanonzi vabatwa nechirwere cheCovid-19 paJohn Tallach High School iyo iri kuNtabazinduna pedyo neguta reBulawayo mudunhu reMatabeleland North.
Huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vari kudzidza kuAmerica hwakakwira nezvikamu zviviri nechidumbu kubva muna 2019-2020 uye Zimbabwe ndiyo imwe nyika ine vadzidzi vakawanda kuAmerica kubva kudunhu reSub-Saharan Africa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmmerson Mnangagwa, neMuvhuro vakaparura kuState House muHarare hwaro hutsva hwehupfumi hwemakore mashanu hwekutanga cheNational Development Strategy huchatsiva hweTransitional Stabilization Program uho hwakasvika kwamvura yacheka makumbo.
Imwe nyanzvi munyaya dzehutano inoti hurumende inofanirwa kusimbisa mitemo inoona kuti vanhu vari kutevedzera here zvinokurudzirwa neWorld Health Organisation, W-H-O, pamwe nebazi rezvehutano mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Zimbabwe neMuvhuro yakaita mangange neAlgeria 2 kwa 2 mumakundano eAFCON mumutambo wakatambirwa munhandare yeNational Sports Stadium. Zimbabwe yakatombotanga yakadyiwa 2-0 mushure mezvibodzwa zvainge zvanwiswa naAndy Delort na Riyad Mahrez.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nemusi weSvondo vanenge vakatenda kekutanga kuti mutungamiri webato remaDemocrats VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi kunyangwe havo vari kuti havasi kutambira zvakabuda musarudzo.
Bazi rehurumende rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika nhasi raudza paramende kuti rakagadzirira kuvhura mabhodha zichitevera kuvharwa kwaakaitwa nekuda kwedenda reCovid-19 asi rati rinoda michina yechizvino zvino kuti rikwanise kuita basa raro nemazvo.
Bato reMDC Alliance rachenura mutungamiriri wemadzimai muBulawayo, Amai Tendai Masotsha avo vainge vachipomerwa mhosva yerkuti vane chekuita nekupambwa kwaVaTawanda Muchehiwa nevanofungidzirewa kuti vasori muna Chikunguru.
Vamwe vashandi vehurumende vari pasi peApex Council vatambira zvikamu makumi mana nechimwe kubva muzana zvemari dzawedzerwa nehurumende pamihoro yavo zvichitevera musangano weNational Joint Negotiating Council waitwa muHarare pakati pevamiriri vemapoka maviri aya.
Masangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe ne Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ ari kushora zvikuru gurukota rezvevashandi VaPaul Mavima ekuti varairidzi vasiri kuenda kumabasa vachanyimwa mari yepamwedzi uye mabhonasi.
Huwandu hwevanhu vari kurwara nechirwere checovid-19 munyika uhu hwainge hwatomboderera kusvika pazana nemakumi matanhatu nemana kana kuti 164 musi wa12 gumiguru hwatanga kuwedzerazve zvakanyanya.
Rodhai zvimwe