Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi veHurumende Vanotambira Mari Dzawedzerwa Mihoro Yavo neHurumende, Asi Varairidzi Vanodziramba


Vashandi vehurumende vachiratidzira. Vashandi vaida kuti hurumende ivape mihoro inovararamisa.

Vamwe vashandi vehurumende vari pasi peApex Council vatambira zvikamu makumi mana nechimwe kubva muzana zvemari dzawedzerwa nehurumende pamihoro yavo zvichitevera musangano weNational Joint Negotiating Council waitwa muHarare pakati pevamiriri vemapoka maviri aya.

Munyori mukuru weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti mari itsva idzi dzchatanga kutambirwa nevashandi dzichibva kumusi wa 01 Mbudzi, uye vanoti vawiriranawo zvakare pamusangano uyu kuti vashandi vehurumende vange vachipiwa mari dzebhonasi muzvikamu zviviri, mwedzi uno nemwedzi unouya.

VaDzatsunga vanoti zvikamu makumi mana kubva muzana izvi zvichasanganisira zvese mihoro pamwe nemari dzekubatsirikana zvagara zvichipiwa vashandi nehurumende.

Hurumende svondo rapera yakaisa patafura zvikamu makumi mana kubva muzana asi vashandi vakaramba kuzvitambira vachiti zvaive zvishoma, kunyange hazvo hurumende yakati yaizoenderera mberi nekupa mari idzi kuvashandi vayo.

VaDzatsunga vanoti mari itsva idzi dzichasiya mushandi wehurumende wepasi ave kutambira madhora emunyika anosvika zviuru gumi nezvina nemazana mashanu, kana kuti $14 500.00 RTGS pamwedzi, kuchitiwo murairidzi wepasi achitambira mari iri pamusoro pemadhora emunyika zviuru gumi nezvipfumbamwe nemazana mashanu pamwedzi.

"41 percent iyi iri pamusoro pe 40 percent yatakamboramba. Saka iko zvino mushandi wepasi pasi wemuhurumende unenge ave kuwanawo mari inogona kusvika kuma 14 500 zvichikwira zvakadaro kusvika kuma 22. Kureva kuti chero takatarira mumari yekuAmerica yemaU.S. dollar tinoona kuti mari yacho inenge yatiwo kukumeyiwo kudarika yatakanga tambokonana nezvayo," vanotsanangura VaDzatsunga.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo tatadza kubata gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti hurumende haina kunzwa mativi ose evashandi vayo pamari iyi, uye hurumende haifanirwe kutanga nekungozivisa vashandi kuburikidza nekushambadza kunze isati yavasuma.

VaMasaraure vanoti zvakare hurumende yakatyora chibvumiranp chavakaita chekuti vashandi vatambire mari inoita madhora mazana mashanu nemakumi maviri emari yekuAmerica pamwedzi, iyo yavanoti yakamuka yabiwa.

"Saka mafiga ese atinonzwa kuti kwakandwa 40 kwakandwa 41 percent, hatineyi nawo, haaenderane nedambudziko riripo. Nyaya ingoripo ndeyekuti ngatidzorereyi mari yedu payakanga iri. Nyaya iripo ndeyekuti ngatidzidzeyi kutaurirana semushandi nemushandirwi, hurumende yedu igozivawo kuti isu hatisi ma slaves ayo," Vanodaro VaMasararure.

Vanoti sevashandi, vane kodzero dzavo dziri muchikamu 65 chebumbiroo remitemo yenyika.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG