Huwandu hwevana vabatwa nechirwere cheCovid-19 pachikoro cheChinhoyi High hwakwira kusvika pavana makumi mashanu nevasere. Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti kusvika parizvino vana vabatwa nechirwere ichi vave makumi mashanu navanomwe.
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira pasi rose akatungamira Argentina mukusimudza mukombe weWorld Cup muna 1986, Diego Maradona ashaya nechirwere chemoyo mavhiki maviri achangobuda muchipatara cheOlivos Clinic munyika iyi paine mashoko ekuti ainge aine ropa rainge ragwamba muhuropi hwake.
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira pasi rose akatungamira Argentina mukusimudza mukombe weWorld Cup muna 1986, Diego Maradona ashaya nechirwere chemoyo mavhiki maviri achangobuda muchipatara. Tichakupa nyaya iyi zvizere.
Sangano rinomirira zvizvarwa zvekuchamhembe kweAfirca zviri muAmerica, reSouthern African Community USA, kana kuti SACU, rakabatana nesangano reManna Food Center riri muMontgomery County mudunhu reMaryland muAmericakuwanisa vakakanganiswa neCovid-19 chikafu.
Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance rinoti nyika yakarisana nematambudziko makukukutu munyaya dzehupfumi, hutano nemagariro evanhu nezvimwe uye matambudziko aya anopera chete nekugadzirisa nyaya dzematongerwo enyika
Bazi remuAmerica rinoona nezvekutambidzwawa kwemasimba reGeneral Services Administration razotenda kuti VaJoe Biden vebato remaDemocrats ndivo vakakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa musi wa 3 Mbudzi.
Pavanhu ava, vana vakashaya kuBulawayo mumwe chete kuMasvingo. Vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vave mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu, kana kuti 273, vamwe vanhu makumi masere nevasere, kana kuti 88 vakabatwa nechirwere ichi.
Sangano rinomirira vanoshanda mubazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association rinoti vashandi varo vanofanirwa kupiwa mari yerubatsiro panguva ino yekurwisana necoronavirus sezvo basa ravo richivamanikidza kusangana nekushanda nevanhu vakasiyana siyana.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chechidiki muzvare Makanaka Chikowero (16) vakadomwa nezuro semumwe achange achiwana rubatsiro kubva kuchikwata chemitambo cheRed Stars chekuChicago kuti vakwanise kuita mabasa ekubatsira vanasikana kuChimanimani, Amai Lucy Chikowero vanotaura nezve mabasa emwana wavo.
Vanhu vakawanda vane matenda eHigh Blood Pressure neshuga vari kutadza kuongororwa hutano hwavo pachine nguva zvichikonzerwa nekushaya kwemari yekuAmerica yokuti vaende vavhenekwe hutano hwavo.
Varidzi vemabhazi anofamba pakati peHarare neGaborone nemamwe maguta ari munyika dzakatenderedza Zimbabwe vanoti vafadzwa zvikuru nedanho ratorwa neBotswana rekuti vatange kushanda musi wa1 Zvita.
Chikwata cheZimbabwe chanzi chidzoke kumba kubva kuSouth Africa kumakwikwi eCosafa Under 17 Championship kunyange hazvo veZifa vari kuti vakapikisa kudzingwa kwacho.
Rodhai zvimwe