Accessibility links

Breaking News

Kutambidzana Masimba Kwotanga Zviri paMutemo Pakati paVaTrump naVaBiden muAmerica


VaDonald Trump naVaJoe Biden
VaDonald Trump naVaJoe Biden

Bazi remuAmerica rinoona nezvekutambidzwawa kwemasimba reGeneral Services Administration razotenda kuti VaJoe Biden vebato remaDemocrats ndivo vakakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa musi wa 3 Mbudzi.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vange vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo vakatendawo neMuvhuro kuti chikwata chavo chichitanga kutambidzana masimba nechiri kuumbwa naVaJoe Biden chiri kutarisirwa kutora matomu musi wa20 Ndira gore rinouya pavachatora mhiko yekutungamira nyika.

Izvi zvave kureva kuti VaBiden vanenge votaura zuva rega rega nevanoona nezvekudzivirirwa kwenyika uye vari kutungamira muhurongwa hwekurwisa denda reCovid-19.

Chikwata chaVaBiden chinenge chopihwawo mari yekuti chitange basa zviri pamutemo. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mukuru weGSA Amai Emily Murphy vakatora danho iri mushure mekunge zvabuda pachena kuti VaTrump vainge vakundikana kuti dunhu reMichigan rirambe kutambira kukunda kwaVaBiden musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vanoti nyaya yekugamuchidzana masimba murunyararo yakakosha uye inounza kugadzikana munyika.

VaBiden vatotanga kuumba dare ravo remakurukota. Nemusi weChipiri vakadoma vamwe vakaita segurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken, mumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Linda Greenfield-Thomas, VaJohn Kerry vanenge vachiona nezvemamiriro ekunze, Amai Avril Haines vanenge vachitungamira bazi rekusora uye mudzimai wekutanga kutungamira bazi iri, VaJake Sullivan vanenge vari chipangamazano munyaya dzekuchengetedzwa kwenyika, VaAlejandro Mayorkas vanenge vari gurukota rezvemukati menyika uye Amai Janet Yellen vanenge vachitungamira bazi rezvemari uye mudzimai wekutanga kutora chigaaro ichi.

Asi vose ava vanofanira kutamburwa nedare reSenate.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG