Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance rinoti nyika yakarisana nematambudziko makukukutu munyaya dzehupfumi, hutano nemagariro evanhu nezvimwe uye matambudziko aya anopera chete nekugadzirisa nyaya dzematongerwo enyika.
Vachipa ongororo yemamiriro akaita hupfumi hwenyika muHarare nemusi weChipiri, mutevedzeri wemutungamiri webato iri uye vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika nekuda kwekuti sarudzo dza2018 hadzina kufambiswa zvakanaka.
VaBiti vati chirongwa chekusimudzira hupfumi cheTransitional Stabilisation Program hachina kubudirira sezvinotaurwa nehurumende vachiti zvinoshamisa kuti hurumende inoti iri kuwana mari yakawanda kudarika yayaitarisira asi iyo ichitadza kubhadhara vashandi vayo.
Vatiwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yatadza kutonga uye yawondonga hupfumi izvo zvasiya vanhu vano darika zvikamu makumi manomwe kubva muzana vari varombo.
VaBiti vati kunyange hurumende ichiti hupfumi hwenyika huri kukura zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vatiwo hurumende haina kubata Denda reCovid-19 zvakanaka izvo zvakavharisa makambani akawanda zvikasiya vashandi vakawanda vasina mabasa. Vatiwo vana vechikoro vakawanda kubva kumaruwa nekumisha inogara vazhinji mumaguta nemadhorobha havana kukwanisa kudzidza panguva yedenda reCovid-19 sezvo vasina kuwana rutsigiro kubva kuhurumende.
VaBiti vati pari zvino vashandi vehurumende kunyaya varairidzi vana mukoti nanachiremba vari kutadza kuenda kumabasa nekuti mihoro yavo inenge yakatopera vasati vaiatambira.
Vati chinodiwa munyika kugadzirisa nyaya dzematongerwo enyika pamwe nekutara mitemo inorambidza hurumende kushandisa mari isipo izvo zvinozoita kuti idhinde mari izvi zvinozopedza simba mari remari yemuno.
Asi mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati nyaya dzematongerwo enyika dzagakadziriswa pasarudzo dza 2018 uye havasi kuzoterera zviri kutaurwa naVaBiti nevamwe vavo.
Vati hurumende iri kutungamirirwa nebato ravo iri kuenderera mberi nekusimudzira hupfumi nekusimbisa mabasa ekurima, kugadzira migwagwa nezvimwe.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour, Economic Development and Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vati kunyange hazvo nyaya dzematongerwo enyika dzichikwanisa kuvhiringidza hupfumi, nyaya yehuori ndiyo yanyanya kukanganisa nyika.
Doctor Chitambara vatiwo zvakakoshawo kuti hurumende igadzirise nyaya dzevashandi vayo kuti zvikoro nezvipatara zvikwanise kushanda vanhu vawane dzidzo nehutanho.
Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vachaparura bhajeti regore rinouuya nemusi weChina iro rakatarisirwa zvikuru nevanhu vakawanda munyika.
Facebook Forum