Accessibility links

Breaking News

MaUnder 17 eZimbawe Odzoka Kumusha Kunyangwe ZIFA Iri Kugunun'una


VaFelton Kamambo mukuru weZIFA
VaFelton Kamambo mukuru weZIFA

Chikwata cheZimbabwe chanzi chidzoke kumba kubva kuSouth Africa kumakwikwi eCosafa Under 17 Championship kunyange hazvo veZifa vari kuti vakapikisa kudzingwa kwacho.

Mutauriri weZifa VaXolisani Gwesela vanoti chikwata ichi chanzi chidzoke kumba sezvo vasina kuwana mhinduro kubva kune veCaf zvichitevera tsamba yavakanyora yekupikisa kudzingwa kwavo mumakwikwi aya vachinzi vakatambisa mutambi asiri wezera riri kumakwikwi aya.

VaGwesela vanoti vaziviswa neveCosafa parizvino hapana chekuita kunze kwekudzokera kumusha.

Zimbabwe, Comoros, Botswana neEswatini dzakadzingwa mumakwikwi aya zvichinzi vamwe vevatambi vavo vaive vane makore anodarika anotenderwa zvichitevera ongororo yakaitwa neveCosafa vachishandisa michina.

Kudzingwa kwenyika idzi kwasiya kumakwikwi aya kuine South Africa, Zambia, Malawi ne Angola uye nyika mbiri dzinenge dziri pamuso pamakwikwi ave kutanga zvakare svondo rino dzinoenda kumakwikwi e 2021 Africa Cup of Nations.

Kunyangwe vekuBotswana neEswatini vari kutambira kudzingwa uku uye Botswana yatodzinga mukuru weBotswana Football Association VaMfolo Mfolo, Eswatini ichitiwo kuchave nekugeda geda kwemeno, ZIFA iri kutsika madziro ichiramba kutambira danho reCAF.

VaGwesela vanoti chiremba wavo akaenda nechikwata ichi kuSouth Africa VaRobson Zhou vane humbowo hwakakwana hunoratidza kuti vatambi ava vakaongororwa nemichina muHarare vakaonekwa vari vemakore anotenderwa.

Vanoti vabvuma kuti chikwata cheZimbabwe chidzoke kumba kwete nekuti vari kubvuma mhosva asi kuti havasi kuda kukonzera nyonga-nyonga kumakwikwi aya.

Mukuru wavana chiremba muZifa VaEdward Chagonda vataurirawo Studio 7 kuti vari kushamisika nezvakabuda kuSouth Africa sezvo vakaita ongororo yakakwana yevatambi ava pane chimwe chipatara muHarare.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG