Munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu mubato reMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti sebato vakashungurudzwa zvikuru nekusungwa nezuro kwameya veChitungwiza, VaLovemore Maiko, vachipomerwa mhosva kushandisa hofisi yavo zvisizvo.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhukadzi havafaniri kutenga vhudzi revamwe vanhu vachishongedza misoro yavo sezvo vhudzi iri richibatira nyore hutachiwana hunozokonzera zvirwere.
Zvizvarwa zveZimbabwe nezvinobva kune dzimwe nyika zvinogara muBotswana zvatura befu guru mushure mekunge hurumende yenyika iyi yatora danho rekunyewenutsa kufamba kwevanhu pakati penyika dzakatenderedza Botswana.
Dare repamusoro reHigh Court riri kutarisirwa kunzwa svondo rino nyaya yakakwidzwa nemumwe mutongi wedare iri, Justice Erica Ndewere, yekuti dare revanhu vatatu kana kuti tribunal riri kuda kuti rivatonge harisi pamutemo.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trumpo vebato remaRepublicans nemutungamiri webato remaDemocrats VaJoe Biden nhasi vari kupeta hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kuitwa neChipiri
Vechidiki veMDC vanosvika vasere, kusanganisira VaPaul Gorekore, vanonzi vasungwa pakati peusiku vachipomerwa mhosva yekupaza nekupinda mumuzinda weMDC weMorgan Richard Tsvangirai House uri muHarare.
Mhuri yevaShona inogara muKenya masvondo maviri adarika yakafora ichinosiya magwaro enyunyuto kumatare eparamende neseneti, senzira yekuedza kuti matare aya apindire mukuona kuti hurongwa hwekuwanisa mhuri iyi magwaro hwakasika kufambiswa nehurumende.
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa vatumira mashoko kuvatori venhau vachiti mapurisa anofanira kubuda pachena panyaya yavari kupomerwa yekuti vanodyidzana nemutungamiri weZimbabwe Miners Federation Muzvare Henrietta Rushwaya
Mufundisi David Simango vanoti zvinhu zvose zvakasikwa pamwe chete nenyika zvine nguva yazvo nekuti hapana chinhu chakasikwa chisina magumo.
Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe vatovhota musarudzo dzemuAmerica idzo dzinoitwa zviri pamutemo musi wa3 Mbudzi mushure memakore mana oga oga.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaparura mutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument 261 wekuti madzimai evanenge vamboita vatungamiri venyika vapihwe mari yemudyandigere.
Rodhai zvimwe