Accessibility links

Breaking News

Hupenyu Hwedu

VaShona Vari muKenya Vanosvitsa Magwaro eNyunyuto kuParamende neSeneti Kuti Vawaniswe Magwaro eKugara muNyika iyi

Hurumende yeKenya yakatanga nekupa vana vemhuri yevaShona ava magwaro ekuberekwa. (mufananidzo naIshe Joshua Kimemia)
Hurumende yeKenya yakatanga nekupa vana vemhuri yevaShona ava magwaro ekuberekwa. (mufananidzo naIshe Joshua Kimemia)

Mhuri yevaShona inogara muKenya masvondo maviri adarika yakafora ichinosiya magwaro enyunyuto kumatare eparamende neseneti, senzira yekuedza kuti matare aya apindire mukuona kuti hurongwa hwekuwanisa mhuri iyi magwaro hwakasika kufambiswa nehurumende.

Mumwe wevakuru vemhuri iyi, VaOliver Muregerera, vanoti vakatora danho rekunosiya magwaro kuparamende iri senzira yekusunda nayo hurumende yeKenya kuti ipedzise basa rekuti vawaniswe magwaro emuKenya, uye vanoti vakatambirwa zvakanaka chose nematare maviri aya.

VaMuregerera vanoti vamirira kunzwa kuti kugara kwavachaita mumatare avo vanozobuda nemhinduro dzinoti kudii, asi vachiti zvinenge zvave nekakujeka zvishoma kuti pamwe vangakwanise kuwaniswa magwaro.

Vanoti nguva yekunyoresa kuti vawane magwaro yakanga yatarwa nehurumende yakanga yapera, ndizvo zvakaita kuti zvinhu zviite sezvakanga zvave kudzokera kumashure.

“Sakana ndopatakazosimudzira kuti tirwise nekuona kuti kuti tidzingirirane ne time limit kuti tirhinyuwe patsva, takaona kuti zvingatitorere nguva, sakana takaona kuti zvitori nani kuti titore petisheni kuti tinoiisa ku parliament neku senate.

“Riri zano ratakaona kuti ringaite kuti zvinhu zvingatirerukirewo kuti hurumende ikurumidze kutiseenzera basa iroro,” vanodaro VaMuregerera.

Vanoti hurumende pari zvino yakakwanisa kupa vana magwaro ekuberekwa kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo.

VaMuregerera vanotiwo kubva patanga hurongwa hwekuti vawaniswe magwaro, havasati vasanganawo nedambudziko pakutengesa zvigadzirwa zvavo sezvavaisimboita kare vachishungurudzwa nezvizvarwa zvenyika iyi pamwe nemapurisa.

Vanotiwo kunyange hazvo dambudziko rechirwere cheCovid-19 riri kukwira muNairobi, rinove guta guru reKenya mavagere, hapana wemhuri dzavo ati abatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Kuwaniswa magwaro kwevana vemhuri iyi uku kunotevera danho rakatorwa nehurumende yeKenya gore rapera, rekutanga kupa mhuri iyi, iyo ine vanhu vanodarika zviuru zvina, magwaro ekuti vave zvizvarwa zvenyika iyi, asi yakatanga nekupa magwaro ekuzvarwa kuvana vadiki.

Mhuri yevaShona iyi yanga yave nemakore anodarika makumi mashanu nematanhatu ichizivikanwa sevanhu vasina nyika yavanoti ndeyavo, sezvo vakanga vasina magwaro.

Rudzi rwevaShona urwu rwakatanga kupinda muKenya mugore ra1962 rwuchitungamirirwa naVaJohanne Masowe, avo vaifamba vachiparidza shoko nechechi yavo yeJohanne Masowe.

Varume gumi nevaviri vakatanga kupinda munyika iyi vakasvikira mudunhu reNgong, vakazoita mhuri dzavo nekuzotama vachinogara kuKiambaa mudunhu reKiambu pasi paIshe Joshua Kimemia, uko vachiri kugara nanhasi.

VaMuregerera vanoti chikuru chakaita kuti madzibaba avo agare muKenya kutambirwa zvakanaka kwaakaitwa nevakave mutungamiri weKenya wekutanga, VaJomo Kenyatta.

Hurukuro naVaOliver Muregerera
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Murume weChichena, VaKevin Oliver, Avo Vanorara muMotokari kuChitungwiza, Votsvaga Rubatsiro rwePekugara neZvekudya

Chitungwiza
Chitungwiza

Muchikamu chedu chatinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu, svondo rino tine hurukuro nemurume wechichena, VaKevin Oliver, avo vanogara kuUnit L kuChitungwiza vasina pekugara zvakasvitsa kuti vange vachirara mumotokari .

VaOliver vanoti vaimbotyaira makombi asi vakazorasikirwa nebasa zvakasvitsa pakuti vange vachishaya mari yekuzvibhadharira pekugara nechekudya.

Vanoti mhuri yavo yemudzimai nevanasikana vaviri yakaparara mutsaona yeCyclone Idai kuChimanimani uye havana dzimwe hama dzekuti dzingavapawo rubatsiro rwavari kutsvaga.

VaOliver vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwepekugara uye chikafu, vachiti vakazvipira kushanda kana paine vanokwanisa kuvawanisa basa.

Vanoda kubata VaOliver vanokwanisa kuvabata panhamba dzenharembozha dzinoti +263 780819589.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, Vanoti Varairidzi Havachina Masimba eKuranga Vana vanotsautsira

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, Vanoti Varairidzi Havachina Masimba eKuranga Vana vanotsautsira
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00

Mutungamiri wesangano revarairidzi rePorgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti dambudziko remisikanzwa nekushurudzana kwevana muzvikoro zviri kukonzerwa nekuti varairidzi havachina masimba ekuranga vana vechikoro.

Kunaya kweMvura Yakawanda Kwoparadza Dzimba neMinda kuGokwe Chitekete

Kunaya kweMvura Yakawanda Kwoparadza Dzimba neMinda kuGokwe Chitekete
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Kika, Voshoropodza Zvakasimba Danho reSeneti Rekupasisa PVO Bill

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Kika, Voshoropodza Zvakasimba Danho reSeneti Rekupasisa PVO Bill
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:40 0:00

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika, vari kushoropodza zvikuru danho redare reSeneti rekupasisa bhiri riri kushoropodzwa zvakanyanya nevakawanda rePVO Bill, iro vanoti rinosunga mashandiro emasangano akazvimirira. Bhiri iri ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika.

Hupenyu Hwedu Tiina VaAmos Chibaya veCCC Vachitaura neMabatirwo Avaiitwa Vari muHusungwa

Hupenyu Hwedu Tiina VaAmos Chibaya veCCC Vachitaura neMabatirwo Avaiitwa Vari muHusungwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00

Muchirongwa che"Hupenyu Hwedu-Our Lives," nhasi tine hurukuro nemurongi wemisangano mubato rinopikisa reCCC, VaAmos Chibaya, vachitsanangura mabatirwo avanoti vaiitwa vari muhusungwa ivo pamwe nedzimwe nhengo dzebato ravo makumi maviri neshanu dzakasungwa kuBudiriro masvondo maviri adarika.

Mutungamiri weZimbabwe Transformative Party, VaKanyenzura, Votsanangura Magariro Avo muHusungwa

Zimbabwe Transformative Party president Parere Kanyenzura
Zimbabwe Transformative Party president Parere Kanyenzura

Muchikamu chedu chatinotarisa zvinosangana nevanhu muhupenyu, cheHupenyu Hwedu, nhasi tine hurukuro nemutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party, VaParere Kanyenzura, avo vakabuda kubva kujeri reHarare Remand Prison neChitatu uko vakagara kwemazuva anosvika zana nemakumi masere nemanomwe, kana kuti 187.

VaKanyenzura vakazoburitswa mushure mekupiwa mutongo wemwedzi mina vachiita mabasa ekusimudzira nharaunda, kana kuti community service paWarren Park 6 Primary School.

Asi vanoti magariro avo pamwedzi mitanhatu yavakanga vari muhusungwa yakave nguva yakaoma zvikuru, vachiti hugaro hwavo hwaive nematambudziko anosanganisira ekushaya chikafe chinokwana, kushaya mvura uye kushaya magumbe anokwanira vasungwa vose.

Hurukuro naVaParere Kanyenzura
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Madzishe Ofarira Masimba eKuchatisa Vanhu Avave Kupiwa neMutemo Mutsva weWanano, kana Kuti New Marriages Act

Mutemo mutsva wekuroorana unonzi wave kupa madzishe masimba ekuchatisa vanhu, kana kuti marriage officers.
Mutemo mutsva wekuroorana unonzi wave kupa madzishe masimba ekuchatisa vanhu, kana kuti marriage officers.

Muchikamu chedu chatinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu, cheHupenyu Hwedu, nhasi tine hurukuro naIshe Nembire vari Seneta, VaClemence Nembire vekuMt. Darwin, tichikurukura nezvekukosha kwemasimba akapiwa madzishe pasi pemutemo mutsva wewanano, kana kuti New Marriages Act, uyo unonzi wangomirira kusainwa nemutungamiri wenyika.

Mutemo mutsva uyu unonzi wave kupa madzishe masimba ekuchatisa vanhu kana kusunga michato, izvo zvakanga zvisingaitike mumutemo uchiri kushanda, uyo unogona kuzongopera panenge patanga kushanda mutemo mutsva uyu.

Hurukuro naIshe Nembire vari Seneta, VaClemence Nembire vekuMt. Darwin
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varimi Vochemachema neMutemo weGMB Unoti Vatange Vapiwa Mvumo Kuti Vakwanise Kusara neChibage Chekudya neMhuri Yavo

Mutemo weGMB unoti murimi wose anofanirwa kuendesa chibage, gorosi kana soya beans zvaanenge arima mukati memazuva gumi nemana akohwa.
Mutemo weGMB unoti murimi wose anofanirwa kuendesa chibage, gorosi kana soya beans zvaanenge arima mukati memazuva gumi nemana akohwa.

Rimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Integrated Commercial farmers’ Union, rinoti mutemo weGrain Marketing Board, GMB, wekuti murimi wese anenge arima chibage, gorosi kana soya beans anofanirwa kunge aendesa chirimwa chake kuGMB mukati memazuva gumi nemana (14) uchaomesera varimi zvakanyanya.

Mutemo uyu unotiwo murimi anoda kusara nechingave chibage, gorosi kana soya beans zvekudya nemhuri yake anofanirwa kunyorera kuGMB kuti apiwe mvumo yekuita izvi.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Integrated Commercial Farmers’ Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti havaoni varimi vazhinji vachikwanisa kutevedzera mutemo uyu sezvauri nekuti unovaomesera nekuda kwekuti goho remwaka unorakaderera nekuda kwekusanaya kwemvura kwakatsarukana.

Panyaya yekuti murumi anoda kusara nechibage, gorosi kana soya beans zvekudya anosungirwa kupiwamvumo neGMB, Amai Jiti vanoti vanoona pachiitwa zvehuwori nekuti kuti murimi apiwe tsamba yekusara nechibage chekudya pamba anenge atobhadhara mari.

“Varimi vari kuchema kuhurumende kuti dai yarerutsa mutemo uyu chekudya chasara pasina kupuwa matsamba," vanodaro Amai Jiti.

Pamutengo wechibage wemadhora zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemari yemunyika, kana kuti ZWL$75 000.00, patani yoga yoga yechibage, Amai Jiti vanoti mutengo uyu wainakirawo varimi dai vaipiwa mari iyi iri mumadhora ekuAmerica vachiapiwa nemutengo unenge uchitengeswa nawo kumabhanga.

Vanoti mutengo ungagutsa murimi kuti akwanisewo kugadzirira mwaka unotevera unofanirwa kunge uri madhora mazana matatu nemakumi mashanu (US$350.00) patani yoga yoga yechibage.

Studio 7 yakundikana kubata veGrain Marketing Board pamusoro penyaya iyi.

Grain Marketing Board yakadzika mitemo inorambidza kutengeswa kwembesa dzinoti chibage, gorosi nesoya beans kune vamwe vatengi vasiri iyo pasi peStatutory Instrument 145 ya2019, Statutory Instrument 97 ya2021 neStatutory Instrument 188 ya2021.

Hurukuro naAmai Maiwepi Jiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muimbi ane Mukurumbira Hosiah Chipanga Okwikwidza muSarudzo dzeChikanga-Dangamvura Akamirira Patriotic Zimbabweans

Muimbi Hosiah Chipanga, uyo ave kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weChikanga-Dangamvura.
Muimbi Hosiah Chipanga, uyo ave kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weChikanga-Dangamvura.

Muchirongwa chedu chatinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu, cheHupenyu Hwedu, svondo rino taita rombo rakanaka rekuwana mukana wekutaura nemuimbi ane mukurumbira, Hosiah Chipanga, uyo ari kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weChikanga-Dangamvura muma by-election ari kuitwa musi wa 26 Kurume gore rino.

Chipanga, uyo achakwikwidza akamirira bato rePatriotic Zimbabweans, anoti chikuru chaanovimbisa vagari vemuChikanga-Dangamvura ndechekuti achagadzirisa dambudziko remvura.

Anoti kupinda kwaakaita mune zvematongerwo enyika hakurevi kuti ave kusiya zvemimhanzi, achiti hapana chashanduka sezvo paaiimba raingove shoko raaiparidza risina zviito, zvinove zvaave kuita pari zvino.

Hurukuro naVaHosiah Chipanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Norman Mapeza Anoti Anotambira Kushorwa Kwake Zvichitevera Kuburitswa kweZimbabwe kuMakwikwi e2021 Afcon

FILE PHOTO: Soccer Football - World Cup - Africa Qualifiers - Group G - South Africa v Zimbabwe - FNB Stadium, Johannesburg, South Africa - November 11, 2021 Zimbabwe coach Norman Mapeza REUTERS/Siphiwe Sibeko/File Photo
FILE PHOTO: Soccer Football - World Cup - Africa Qualifiers - Group G - South Africa v Zimbabwe - FNB Stadium, Johannesburg, South Africa - November 11, 2021 Zimbabwe coach Norman Mapeza REUTERS/Siphiwe Sibeko/File Photo

Akafanobata chigaro chemurairidzi wechikwata chemaWarriors, Norman Mapeza, anoti chikwata chake chakagumbura zvikuru nyika nekutadza kwachakaita kupinda munharaunda yechipiri yemakwikwi eAfrica Cup of Nations, Afcon, kuCameroon.

Achitaura muhurukuro yaakaita neStudio7 nemusi weMugovera, Mapeza akati kana naiyewo akarwadzikana zvikuru nekutadza kubudirira kwechikwata chake asi akati semurairidzi wechikwata ichi, anotambira nemaoko maviri zviri kunzi nevatsigiri venhabvu zvakatadzwa kuitwa kuitira kuti Zimbabwe isaburitswe munharaunda yekutanga.

Zimbabwe yakatanga kurohwa neSenegal 1-0 mumutambo wayo wekutanga wezvikwata zvemu Group B, izvo zvinosanganisirawo Malawi neGuinea.

Izvi zvakaitika mutambo uyu watosvika kumagumo apo mutambi wemaWarriors, Kelvin Madzongwe, akabata bhora ari mukati me penalty area.

Mutambi we The Lions of Teranga, Sadio Mane, akarova bhora rakasimba negumbo rake rekurudyi iro rakabva rarova kumashure kwemaneti ndokutora mapoinzi ose ari matatu.

“Ndakaudza timu yangu kuti vasavhunduka mumaminetsi ekupedzisira emutambo neSenegal. Asi takazoita hedu munyama taifanirwa kunge takaita mangange 0-0 neSenegal. Zvakaramba hazvo,” Mapedza akadaro.

Mapeza, uyo anorairidza chikwata cheFC Platinum, anoti akarwadzikana zvakare apo chikwata chake chakarohwa zvakare 2-1 neMalawi.

Izvi zvakaitika panguva iyo vanotevera nhabvu vaitarisira maWarriors kurova zvine mutsindo chekwata che The Flames.

Zimbabwe ndiyo yakatanga kutungamira mumutambo uyu apo Onismor Bhasera akarova bhora rakaenda mudenda richibva rarohwa nemusoro wa Ishmael Wadi rikabva rapinda mumaneti.

Chikwata che The Flames chakarwisa zvakasimba ndukuwana mukana wekuisa chibodzwa mutambo uyu wasvika pamaminetsi makumi mana nematatu.

Francisco Madinga akawana bhora ndokuriisa kuna Gabadinho Mhango, uyo akabva agowesa chibodzwa chekutanga cheMalawi.

Asi chikwata cheMalawi chakagowesa zvakare nechibodzwa chakabva kuna Mhango mutambo wapinda mumaminetsi makumi mashanu nemasere.

Panguva yose iyi, shasha yenhabvu yechidiki, Jordan Zemura, ainge akagariswa pabhenji. Zemura akazopinzwa mumutambo uyu kwadarika maminetsi makumi matanhatu nemanomwe, kwasara maminetsi makumi maviri nematatu kuti mutambo uyu upere.

Izvi hazvina zvazvakabatsira sezvo pakapinda Zemura, uyo anotimbira AFC Bournemouth kuBritain, Zimbabwe yakanga yatorohwa kare 2-1.

Mushure memutambo uyu, vanhu vakatanga kunyora pamadandemutande vachiti Mapeza nenyanzvi dzaanoshanda nadzo, havaifanirwa kuisa Zemura pabhenji. Vamwe vaiitiwo Mapeza aiisa pamberi vatambi vake vechikwata cheFC Platinum.

Asi Mapeza akaudza Studio7 kuti ichi hachisi chokwati.

“FC Platinum yaive nevatambi vaviri chete vaive mu national team. Hachisi chokwadi chavari kutaura. Tarisai muone zvaiitika munguva yeDream Team, apo mayiona vatambi vanodarika vana vari muchikwata ichi asi vachibva kutimu imwe chete. Asi vanhu havana zvavakaura. Nhasi vava kuti ndazadza chikwata nevatambi veFC Platinum, hachisi chokwadi,” akadaro Mapeza achitaura ari parunhare ari muHarare.

Kunyange hazvo vakomana vaMapedza vakakundwa mumitambo miviri yekutanga, maWarriors akazotamba zvinodadisa mumutambo wawo wekupedzisira neGuinea.

Zimbabwe yakatanga kunwisa The National Elephants nechibodzwa chakabva kuna Knowledge Musona uyo akasvetuka kuenda mudenga ndokurova nemusoro bhora rakapind mumaneti.

Bhora rakahedhwa naMusona rakabva kuna Never Tigere mutambo wasvika pamaminetsi makumi maviri nematanhatu.

Chikamu chekutanga chemutambo uyu chisati chapera, Kudakwashe Mahachi akanwisa chibodzwa chechipiri cheZimbabwe mutambo wasvika pamaminetsi makumi mana nematatu ndokutungamira iri 2-0.

Guinea yakazowana chibodzwa chematandanyadzi chakabva kuna Naby Keita, uyo akarova bhora rakasimba negumbo rake reruboshwe ari kunze kwe penalty area.

“Takaenda kuCameroon tiine shiviro yekusvika munharaunda yechipiri. Takakundikana. Ini sakochi ndinotambira kushoropodzwa kwatiri kuitwa. Handina munhu wandingati ndingashore nekutadza kwatakaita, ndini ndinofanirwa kushorwa,” akadaro Mapeza.

Achipindura mubvunzo wekuti acharamba ari kochi wemaWarriors here kana kuti kwete zvichitevera kukundikana kwechikwata chake, Mapeza akaudza Studio7 kuti haana kuzvipa basa iri, akati vanhu vakamupa basa iri ndivo vachataura nezveremangwana ake.

Mapeza akati chibvumirano chake neZimbabwe Football Association, Zifa, chaive chekuenda kumakwikwi eAfcon, ayo Zimbabwe isisiri kutamba zvichitevera kupedzisira iri pasi patafura yemuGroup B iine maponzi matatu chete.

“Takadzoka kubva kumaAfcon games. Chibvumirano changu neZifa chakatopera nekuti ndechemitambo yekuAfcon,” akadaro Mapeza achiwedzera kuti remangwana rake nechikwata chema Warriors richaziviswa nekupindana kwenguva nevanofambisa nhabvu munyika.

Asi Mapeza akabvuma kuti pari zvino kuZifa hakuna munhu zvichitevera kumbomiswa kwebhodhi raVaFelton Kamambo neZimbabwe Sports and Recreation Commission, Zifa ichipomerwa mhosva dzekusashandisa zvakanaka mari musangano iri.

Asi bhodhi raVaKamambo riri kuramba mhosva yariri kupomerwa.

Sangano rinoona nezvenhabvu pasi rose, reFifa, rakatoudza Sports and Recreation Commission kuti idzosere bhodhi rose reZifa musi wa Ndira 3, 2022 usati wapfuura, kutadza kwayo kuita izvi Zimbabwe yaizoomeserwa.

Sports and Recreation Commission yakaramba yakatsika madziro ichiti haina gwaro rayakatambira kubva kuFifa.

Studio7 yakaedza kunzwa divi reFifa, asi sangano iri harina kunge rapindura mibvunzo yatakaritumira.

Asi vanoziva zvinoitika munhabvu vanoti Zimbabwe inogona kutemerwa zvirango zvekuti isatambe nhabvu nedzimwe nyika dziri pasi peFifa.

Izvi zvinobatawo vatambi veZimbabwe vakabuda nemaoko eZifa vari kutambira nhabvu kunze kwenyika kusanganisirawo nhabvu yevanhukadzi munyika.

Kunyange hazvo zvinhu zvisina kugadzikana munyaya yenhabvu munyika, Mapeza akati yasvika nguva yekuti Zimbabwe ifunge zvakadzama, uye yotsvaga nzira yekuumba chikwata chakasimba chinokwanisa kukwikwidza zvine mutsindo chichidzoka chiine mikombe izvo zvinozosimudza mureza wenyika munhabvu yepasi rose.

Mapeza akati anovimba kuti izvi zvichaitika kana munhu wese akaisa zvido zvemutambo uyu pamberi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



update

VaCharles Mutama Vanoti Vanoda Kuona Zimbabwe Inoremekedza Kodzero dzeMunhu Wese

PATRIOTIC ZIMBABWEANS PRESIDENT CHARLES MUTAMA
PATRIOTIC ZIMBABWEANS PRESIDENT CHARLES MUTAMA

Mutungamiri webato rePatriotic Zimbabweans, VaCharles Muchineripi Mutama, vanoti vanoda kuti Zimbabwe ive nyika inoremekedza kodzero dzezvizvarwa zvayo zvisineyi kuti munhu abuda mumba maani.

Vachitaura muchirongwa cheStudio7, Hupenyu Hwedu, VaMutama vanoti kunyange bato ravo riine hurongwa hwekuyananisa vana veZimbabwe vari munyika nekunze kwenyika, Patriotic Zimbabweans ibato richapinda musarudzo rakazvimirira.

VaMutama, avo vaimbove sachigaro weDMV Branch yeMDC Alliance mudunhu reNorth America, vanoti vakaona iri kodzero yavo yekuumba bato rezvematongerwo enyika rine gwara ravanofarira sezvo vakanga vasingafari nechimiro nemaitiro ebato ravakatanga kupinda vachiri kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paUniversity of Zimbabwe.

VaMutama, avo vanogara muMaryland, vanoti kunyange havo vachikurudzira kuti vanhu vemuZimbabwe vabatane kuitira kuti vaonesane pamwe nekubatsirana kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, vanoti bato ravo harisi kuzopinda mugungano rePolitical Actors Dialogue, kana kuti Polad.

VaMutama vanoti havaoni Polad iri pachokwadi sezvo isina bato rine gakava nehurumende yeZimbabwe, reMDC Alliance, iro vanoti rakakwikwidza zvine mutsindo musarudzo dzakaitwa muna 2018.

Vanoti panofanirwa kuva nesangano rakazvimirira rinopindwa nemasangano ose ane chekuita nevanhu muZimbabwe kuitira kuti paitwe hurukuro dzechokwadi dzakanangana nekugadzirisa zvipingaidzo zvizere munyika.

VaMutama vane nhoroondo yekuratidzira, dzimwe nguva vari vega pamuzinda weZimbabwe muWashington DC vachiti havasi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe kuri kuitwa nehurumende yeZanu PF.

Charles Mutama
Charles Mutama

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaDevine Mafa Voita Mabhizinesi eMota Dzinoshandisa Simba reMagetsi

VaDevine Mafa
VaDevine Mafa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, VaDivine Mafa, vanoti vakabatana neshamwari dzavo dzepadandemutande mukugadzira mota dzinoshandisa simba remagetsi dziri kutoshanda munzvimbo dzakasiyana siyana muZimbabwe.

VaMafa vanoti mhando dzemokari idzi dzinoshandisa mabhatiri nemafuta epeturu mashoma ayo ari kuramba achikwira mitengo munyika.

VaMafa, avo vanogara kuTennessee, vanoti vakakwanisa kuendesa kumusha mota gumi dziri munzvimbo dzinoti Kwekwe, Victoria Falls ne Harare dzinofamba nemavhiri matatu.

Asi VaMafa, avo vane kambani inonzi Hende Moto, vanoti mota idzi hadzikwanise hadzo kufamba dzendo ndefu pari zvino asi shuwiro yavo ndeyekuti munguva inotevera vakwanise kuita mota dzinokwanisa kufamba dzendo dzefu..

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Hurukuro naAmai Chipo

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Madzimai ekuChipinge South Oraramisa Mhuri Kuburikidza neKutengesa Mbeva

Mbeva imwe chete inonzi iri kutengeswa nemadhora gumi kana madhora makumi maviri emari yemunyika, kana kuti mbeva gumi neshanu dzichitengwa nedhora rimwe rekuAmerica.
Mbeva imwe chete inonzi iri kutengeswa nemadhora gumi kana madhora makumi maviri emari yemunyika, kana kuti mbeva gumi neshanu dzichitengwa nedhora rimwe rekuAmerica.

Vakawanda kuChipinge South, zvikuru madzimai, vanoti vave kukwanisa kuraramisa mhuri dzavo kuburikidza nekutengesa mbeva dzavanobata muminda yavo.

Mumwe wemadzimai aya, uyo akada chete kungonzi Amai Chipo, kubva zvavatanga kuteya mbeva vachitengesa,vakawanda vave kukwanisawo kutenga zvakawanda zvinosanganisira chikafu, midziyo yemumba, mbatya dzekupfekedza mhuri,uye vamwe vachikwanisawo kutotenga nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Amai Chipo vanoti vanonocherera migoro ine mvura muminda yavo vodira nzungu kana chibage zvakakangwa kutenderedza migomo iyi, usiku mbeva dzozouya dzichida kudya dzanzwa kunhuhwira dzichibva dzawira mumvura muya.

Amai Chipo vanoti usiku humwechete vanogona kubata mbeva dzinosvika mazana matanhatu kana kudarika, idzo dzavanozogadzira vokanga vachizonotengesa kumadhorobha akasiyanasiyana.

Vanoti mbeva imwe chete inoita Rand imwechete kana kuti ZWL$20.00, kana kuti mbeva gumi neshanu padhora rimwechete rekuAmerica. Amai Chipo vanotiwo vari kurova shiri mbiri nedombo rimwechete sezvo vari kuwanawo zvakare mafuta ekubikisa kubva mumbeva idzi.

Panyaya yekuti havasi kutengesera vanhu makonzo here, vachiseka zvavo, Amai Chipo vanoti pane musiyano mukuru kwazvo pakati pegonzo nembeva zvekuti havangamboita zvakadaro, vachiti mbeva dzakawandisa kwazvo zvekuti havangabate makonzo vachisiya mbeva.

Asi vanoti havasi kufushira makomba avanenge vachera vachiisa migoro yavo vachipa zvikonzero zvekuti anenge asina kudzika, uye avozofuchirwa nemvura kana yanaya.

​Amai Chipo vanokurudzira vamwe, zvikuru madzimai, kuti vasangomirira chete kuti murume kana baba vemba ndiye achariritira mhuri. Vanotiwo munhu haafanirwe kunyara kuita basa rinomupa mari, kunyange richitarisirwa pasi zvakadii nevamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Madzimai kuChipinge South Voponesa Mhuri neKutengesa Mbeva

Madzimai kuChipinge South Voponesa Mhuri neKutengesa Mbeva
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG