Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

VaDevine Mafa Voita Mabhizinesi eMota Dzinoshandisa Simba reMagetsi

VaDevine Mafa

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, VaDivine Mafa, vanoti vakabatana neshamwari dzavo dzepadandemutande mukugadzira mota dzinoshandisa simba remagetsi dziri kutoshanda munzvimbo dzakasiyana siyana muZimbabwe.

VaMafa vanoti mhando dzemokari idzi dzinoshandisa mabhatiri nemafuta epeturu mashoma ayo ari kuramba achikwira mitengo munyika.

VaMafa, avo vanogara kuTennessee, vanoti vakakwanisa kuendesa kumusha mota gumi dziri munzvimbo dzinoti Kwekwe, Victoria Falls ne Harare dzinofamba nemavhiri matatu.

Asi VaMafa, avo vane kambani inonzi Hende Moto, vanoti mota idzi hadzikwanise hadzo kufamba dzendo ndefu pari zvino asi shuwiro yavo ndeyekuti munguva inotevera vakwanise kuita mota dzinokwanisa kufamba dzendo dzefu..

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Vanhu Vaviri muAmerica Vanobatwa neMhando yeCovid-19 yeOmicron

Dr. Anthony Fauci

Bazi rinoona nezvehutano muAmerica, reCenter for Desease Control and Prevention (CDC) rinoti America yava nevanhu vaviri vane hutachiwana hweCovid-19 hwemhando yeOmicron.

CDC inoti yakazivisa nemusi weChipiri kuti America yakawana munhu wekutanga mudunhu reCalifornia aine Omicron.

Murume uyu, uyo asina kudomwa nezita, anonzi akadzoka kubva kuSouth Africa svondo rapera kwaakange aenda kunoshanya.

Nemusi weChina, bazi rinoona nezvehutano mudunhu reMinnesota rakazivisa kuti rakawana hutachiwana hweOmicron mune mumwe murume akange ambonoshanya kudunhu reNew York.

Izvi zvaitika pasina kupera svondo South Africa yazivisa kuti yawana imwe mhando yeCovid-19, yakazopiwa zita rekuti Omicron.

Chipangamazano chemutungamiri weAmerica munyaya dzezvehutano, Dr Anthony Fauci, vakaudza vatori venhau kuti varume ava vakanga vakabayiwa nhomba dzavo dzose.

VaFauci vanoti murume wekuCalifornia anonzi akadzoka kubva kuSouth Africa musi wa 22 Mbudzi akazowanikwa aine hutachiwana uhu musi wa 29 Mbudzi, vachiti vezvehutano mudunhu reCalifornia vari kutsvaka vanhu vose vakambosangana nemurume uyu kuti vavhenekwe kana vakatapurirwa hutachiwana uhu.

Hurumende yaVaJoe Biden iri kukurudzira vose vanokodzera kubayiwa nhomba, pamwe chete neavo vanobvumidzwa kubayiwa nhomba yechitatu, kuti vabayiwe nhomba idzi.

Vanhu nanopfuura zviuru zvinomwe zvine makumi masere nezvitanhatu (786,000) vakafa nedenda reCovid-19 muAmerica, kusanganisira zviuru makumi matatu nezvinomwe (37,000) vakafa mumwedzi waMbudzi woga.

Bazi rinoona nezvehutano pasi pose, reWorld Health Organisation, rakazivisa nemusi weChitatu kuti Omicron yava kuwanikwa munyika makumi maviri neshanu.

Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, vanoti pari zvino, nhomba dziri kubayiwa vanhu dzinogona kuvadzivirira kubva kumhando yeOmicron.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaSolomon Tembo Vokwikwidza Zvakare Chigaro chaMeya weAllentown

VaSolomon Tembo vari kukwikwidza kuve meya vedhorobha reAllentown mudunhu rePennsylvania muAmerica

Vagari vemudhorobha reAllentown riri mudunhu rePennsylvania muAmerica vari kupinda musarudzo yekutsvaga meya weguta ravo nemusi wa 02 Mbudzi zvichitevera kukandwa mujeri kwevaive meya, VaEd Pawlowski, avo vari kupika makore gumi nemashanu mushure mekuwanikwa vaine mhosva dzakawanda dzinosanganisira huwori.

Mumwe mugari wemuAllentown ari chizvarwa cheZimbabwe, VaSolomon Tembo, ndemumwe wevari kukwikwidza musarudzo iyi vachikwikwidzana naVaMatt Tuerk vebato reDemocratic Party pamwe naVaTim Ramos vebato reRepublican Party.

VaTembo vari kukwikwidza vakazvimirira musarudzo iyi.

VaTembo, avo vakambokwikwidza zvakare musarudzo yameya yakaitwa muna 2017 asi vakakundikana kuwana mavhoti ane mutsindo, vanoti rwendo rwuno vanotarisira kuita zvakanaka vachiti vachashandisa zvidzidzo zvavakawana kubva musarudzo yekutanga.

Svondo rapera varume vatatu vari kukwikwidzana ava vakapinda mugakava kana kuti debate raikokerwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhu re National Association for the Advancement of Colored People, NAACP.

Gakava iri raitarisa misoro yenyaya yakasiyanasiyana inosanganisira nyaya dzedzidzo, kodzero dzevanhu, denda reCovid-19 pamwe nekuti poderedzwa here kana kuti kwete homwe yemari inobatsira mapurisa.

Panyaya yekuti ivo munhu mutema, izvo zvinogona kuita kuti vasavhoterwe, VaTembo vanoti havatarisire kuti nyaya yeganda ingave chimhingamupinyi musarudzo iyi, vachiti musarudzo yadarika vakavhoterwa nevemamwe marudzi vakawanda zvisineyi nekuti ivo mutema here kana kuti muchena.

HURUKURO NAVASOLOMON TEMBO
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


America Yatarisana neDambudziko reKushaiwa Vashandi

Vashandi mufakitori mudunhu rePennsylvania

Makambani mazhinji muAmerica anoti ari kunetseka kuwana vashandi apo mabasa mazhinj ave kubuda zuva nezuva.

Pakatanga chirwere cheCovid-19, vanhu vakakurudzirwa kugara mudzimba dzavo izvo zvakakonzera kuti makambani mazhinji avharwe senzira yekurwisana nekupararira kwe chirwere ichi.

Panguva iyi, hurumende yakatanga kupa zvizvarwa zveAmerica mari yekubatsirika.

Izvi zvakashorwa zvikuru nevebato rinopikisa, reRepublican Party, vachiti izvi zvichakonzera kuti vanhu vasada kuenda kumabasa sezvo vanhu vakange vava kuwana mari zhinji vagere kudzimba dzavo pane yavainowana kubasa.

Dzimwe mari dzekubatsira idzi, dzichiri kupiwa kune vamwe vanhu nazvino. Nyanzvi dzezvemabasa nezvemabhizimisi dzaitaura kuti pamozarurwa mabhizimisi mazhinji, pachaita vashandi vakawanda asi mabasa ari mashoma.

Ikozvino matunhu mazhinji akaregera kubatsira vanhu nemari dzavaipiwa mazuva akatanga kupararira Coronavirus.

Makambani mazhinji arikuvhurwa zvakare uye mabasa mazhinji arikumuka zuva nezuva asi vanhu vanotsvaka kana kutora mabasa aya vashoma.

Nyanzvi mune zvemabhizimisi, vachidzidzisa paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti vanhu vajaira kushanda vari kumba, naizvozvo havachafariri mabasa avanoita kunze kwedzimba dzavo, vachiti vanhu vachirikutyavo chirwere cheCovid-19 icho chichiri kunetsa pasi pose.

Muzvinafundo Masocha vanoti sekukwezva vashandi, makambani mazhinji ava kuwedzera mari yemihoro yevashandi vawo nekuvapa zvimwe zvisiri mari, zvakaita sekuvabhadharira mari dzechikoro, zvikwereti zvekutenga motikari nezvimwe asi mabasa ari kubuda ari kushaya vazhinji vari kuatora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

General Colin Powell Vanoshaya Mushure Mekurwara neCovid-19

VaColin Powell

General Colin Powell avo vakava munhu mutema wekutanga kuva gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica vakashaya neMuvhuro mushure mekurwara nechirwere cheCovid-19.

VaPowell vanonzi vange vakabayiwa nhomba dzose dzeCovid-19 asi vainge vari pavanhu vari munjodzi yekufa nechirwere ichi sezvo vange vaine gomarara muropa mavo zvinopa kuti masoja emuviri akundikane dzimwe nguva kudzivirira kufa neCovid-19.

VaPowell vange vave nemakore makumi masere nemana. Mhuri yaVaPowell yaburitsa mashoko erufu rwavo padandemutande ravo reFacebook vakatenda vashandi vepachipatara chemauto muAmerica cheWalter Reed National Medical Center pedyo neWashington DC. VaPowell vakaita gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika kubva muna 2001 kusvika 2005 muhurumede yevaive mutungamiri wenyika VaGeorge W. Bush.

General Powell vainge vari mumauto kwemakore makumi matatu nemashanu uye vakava sachigaro wemauto ose kana kuti Joint Chiefs of Staff kubva muna 1989 kusvika 1993 pasi pehurumende yaVaGeorge H. W Bush, baba vava George W. Bush uye vakashanda muhurumende yaVaBill Clinton.

VaGeorge Bush naGen. Colin Powell
VaGeorge Bush naGen. Colin Powell

Kubva muna 1987 kusvika 1989 vainge vari chipangamazano chemutungamiri wenyika VaRonald Reagan.

Kunyangwe vainge vari vebato remaRepublians muna 2008 vakati vaitsigira VaBarack Obama musarudzo dzemutungamiri wenyika vaive kubato remaDemocrats.

VaPowell avo vakaudza United Nations muna 2003 kuti Iraq yaive nezvombo zvenuclear nemimwe michetura zvakazopa kuti hurumende yaVaSaddam Hussein ipidigurwe nemauto eAmerica vakazokumbira ruregeroro vachitenda kuti chaisava chokwadi.

Muzvinafundo Moses Ruman vanodzidzisa paFriends University kuOhio muno muAmerica vaudza Studio 7 kuti VaPowell vakaratidza kuti munhu mutema akapihwa mukana anokwanisa kutungamira pasina dambudziko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG