Accessibility links

Breaking News

Norman Mapeza Anoti Anotambira Kushorwa Kwake Zvichitevera Kuburitswa kweZimbabwe kuMakwikwi e2021 Afcon


FILE PHOTO: Soccer Football - World Cup - Africa Qualifiers - Group G - South Africa v Zimbabwe - FNB Stadium, Johannesburg, South Africa - November 11, 2021 Zimbabwe coach Norman Mapeza REUTERS/Siphiwe Sibeko/File Photo
FILE PHOTO: Soccer Football - World Cup - Africa Qualifiers - Group G - South Africa v Zimbabwe - FNB Stadium, Johannesburg, South Africa - November 11, 2021 Zimbabwe coach Norman Mapeza REUTERS/Siphiwe Sibeko/File Photo

Akafanobata chigaro chemurairidzi wechikwata chemaWarriors, Norman Mapeza, anoti chikwata chake chakagumbura zvikuru nyika nekutadza kwachakaita kupinda munharaunda yechipiri yemakwikwi eAfrica Cup of Nations, Afcon, kuCameroon.

Achitaura muhurukuro yaakaita neStudio7 nemusi weMugovera, Mapeza akati kana naiyewo akarwadzikana zvikuru nekutadza kubudirira kwechikwata chake asi akati semurairidzi wechikwata ichi, anotambira nemaoko maviri zviri kunzi nevatsigiri venhabvu zvakatadzwa kuitwa kuitira kuti Zimbabwe isaburitswe munharaunda yekutanga.

Zimbabwe yakatanga kurohwa neSenegal 1-0 mumutambo wayo wekutanga wezvikwata zvemu Group B, izvo zvinosanganisirawo Malawi neGuinea.

Izvi zvakaitika mutambo uyu watosvika kumagumo apo mutambi wemaWarriors, Kelvin Madzongwe, akabata bhora ari mukati me penalty area.

Mutambi we The Lions of Teranga, Sadio Mane, akarova bhora rakasimba negumbo rake rekurudyi iro rakabva rarova kumashure kwemaneti ndokutora mapoinzi ose ari matatu.

“Ndakaudza timu yangu kuti vasavhunduka mumaminetsi ekupedzisira emutambo neSenegal. Asi takazoita hedu munyama taifanirwa kunge takaita mangange 0-0 neSenegal. Zvakaramba hazvo,” Mapedza akadaro.

Mapeza, uyo anorairidza chikwata cheFC Platinum, anoti akarwadzikana zvakare apo chikwata chake chakarohwa zvakare 2-1 neMalawi.

Izvi zvakaitika panguva iyo vanotevera nhabvu vaitarisira maWarriors kurova zvine mutsindo chekwata che The Flames.

Zimbabwe ndiyo yakatanga kutungamira mumutambo uyu apo Onismor Bhasera akarova bhora rakaenda mudenda richibva rarohwa nemusoro wa Ishmael Wadi rikabva rapinda mumaneti.

Chikwata che The Flames chakarwisa zvakasimba ndukuwana mukana wekuisa chibodzwa mutambo uyu wasvika pamaminetsi makumi mana nematatu.

Francisco Madinga akawana bhora ndokuriisa kuna Gabadinho Mhango, uyo akabva agowesa chibodzwa chekutanga cheMalawi.

Asi chikwata cheMalawi chakagowesa zvakare nechibodzwa chakabva kuna Mhango mutambo wapinda mumaminetsi makumi mashanu nemasere.

Panguva yose iyi, shasha yenhabvu yechidiki, Jordan Zemura, ainge akagariswa pabhenji. Zemura akazopinzwa mumutambo uyu kwadarika maminetsi makumi matanhatu nemanomwe, kwasara maminetsi makumi maviri nematatu kuti mutambo uyu upere.

Izvi hazvina zvazvakabatsira sezvo pakapinda Zemura, uyo anotimbira AFC Bournemouth kuBritain, Zimbabwe yakanga yatorohwa kare 2-1.

Mushure memutambo uyu, vanhu vakatanga kunyora pamadandemutande vachiti Mapeza nenyanzvi dzaanoshanda nadzo, havaifanirwa kuisa Zemura pabhenji. Vamwe vaiitiwo Mapeza aiisa pamberi vatambi vake vechikwata cheFC Platinum.

Asi Mapeza akaudza Studio7 kuti ichi hachisi chokwati.

“FC Platinum yaive nevatambi vaviri chete vaive mu national team. Hachisi chokwadi chavari kutaura. Tarisai muone zvaiitika munguva yeDream Team, apo mayiona vatambi vanodarika vana vari muchikwata ichi asi vachibva kutimu imwe chete. Asi vanhu havana zvavakaura. Nhasi vava kuti ndazadza chikwata nevatambi veFC Platinum, hachisi chokwadi,” akadaro Mapeza achitaura ari parunhare ari muHarare.

Kunyange hazvo vakomana vaMapedza vakakundwa mumitambo miviri yekutanga, maWarriors akazotamba zvinodadisa mumutambo wawo wekupedzisira neGuinea.

Zimbabwe yakatanga kunwisa The National Elephants nechibodzwa chakabva kuna Knowledge Musona uyo akasvetuka kuenda mudenga ndokurova nemusoro bhora rakapind mumaneti.

Bhora rakahedhwa naMusona rakabva kuna Never Tigere mutambo wasvika pamaminetsi makumi maviri nematanhatu.

Chikamu chekutanga chemutambo uyu chisati chapera, Kudakwashe Mahachi akanwisa chibodzwa chechipiri cheZimbabwe mutambo wasvika pamaminetsi makumi mana nematatu ndokutungamira iri 2-0.

Guinea yakazowana chibodzwa chematandanyadzi chakabva kuna Naby Keita, uyo akarova bhora rakasimba negumbo rake reruboshwe ari kunze kwe penalty area.

“Takaenda kuCameroon tiine shiviro yekusvika munharaunda yechipiri. Takakundikana. Ini sakochi ndinotambira kushoropodzwa kwatiri kuitwa. Handina munhu wandingati ndingashore nekutadza kwatakaita, ndini ndinofanirwa kushorwa,” akadaro Mapeza.

Achipindura mubvunzo wekuti acharamba ari kochi wemaWarriors here kana kuti kwete zvichitevera kukundikana kwechikwata chake, Mapeza akaudza Studio7 kuti haana kuzvipa basa iri, akati vanhu vakamupa basa iri ndivo vachataura nezveremangwana ake.

Mapeza akati chibvumirano chake neZimbabwe Football Association, Zifa, chaive chekuenda kumakwikwi eAfcon, ayo Zimbabwe isisiri kutamba zvichitevera kupedzisira iri pasi patafura yemuGroup B iine maponzi matatu chete.

“Takadzoka kubva kumaAfcon games. Chibvumirano changu neZifa chakatopera nekuti ndechemitambo yekuAfcon,” akadaro Mapeza achiwedzera kuti remangwana rake nechikwata chema Warriors richaziviswa nekupindana kwenguva nevanofambisa nhabvu munyika.

Asi Mapeza akabvuma kuti pari zvino kuZifa hakuna munhu zvichitevera kumbomiswa kwebhodhi raVaFelton Kamambo neZimbabwe Sports and Recreation Commission, Zifa ichipomerwa mhosva dzekusashandisa zvakanaka mari musangano iri.

Asi bhodhi raVaKamambo riri kuramba mhosva yariri kupomerwa.

Sangano rinoona nezvenhabvu pasi rose, reFifa, rakatoudza Sports and Recreation Commission kuti idzosere bhodhi rose reZifa musi wa Ndira 3, 2022 usati wapfuura, kutadza kwayo kuita izvi Zimbabwe yaizoomeserwa.

Sports and Recreation Commission yakaramba yakatsika madziro ichiti haina gwaro rayakatambira kubva kuFifa.

Studio7 yakaedza kunzwa divi reFifa, asi sangano iri harina kunge rapindura mibvunzo yatakaritumira.

Asi vanoziva zvinoitika munhabvu vanoti Zimbabwe inogona kutemerwa zvirango zvekuti isatambe nhabvu nedzimwe nyika dziri pasi peFifa.

Izvi zvinobatawo vatambi veZimbabwe vakabuda nemaoko eZifa vari kutambira nhabvu kunze kwenyika kusanganisirawo nhabvu yevanhukadzi munyika.

Kunyange hazvo zvinhu zvisina kugadzikana munyaya yenhabvu munyika, Mapeza akati yasvika nguva yekuti Zimbabwe ifunge zvakadzama, uye yotsvaga nzira yekuumba chikwata chakasimba chinokwanisa kukwikwidza zvine mutsindo chichidzoka chiine mikombe izvo zvinozosimudza mureza wenyika munhabvu yepasi rose.

Mapeza akati anovimba kuti izvi zvichaitika kana munhu wese akaisa zvido zvemutambo uyu pamberi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG