Accessibility links

Breaking News

Varimi Vochemachema neMutemo weGMB Unoti Vatange Vapiwa Mvumo Kuti Vakwanise Kusara neChibage Chekudya neMhuri Yavo


Mutemo weGMB unoti murimi wose anofanirwa kuendesa chibage, gorosi kana soya beans zvaanenge arima mukati memazuva gumi nemana akohwa.
Mutemo weGMB unoti murimi wose anofanirwa kuendesa chibage, gorosi kana soya beans zvaanenge arima mukati memazuva gumi nemana akohwa.

Rimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Integrated Commercial farmers’ Union, rinoti mutemo weGrain Marketing Board, GMB, wekuti murimi wese anenge arima chibage, gorosi kana soya beans anofanirwa kunge aendesa chirimwa chake kuGMB mukati memazuva gumi nemana (14) uchaomesera varimi zvakanyanya.

Mutemo uyu unotiwo murimi anoda kusara nechingave chibage, gorosi kana soya beans zvekudya nemhuri yake anofanirwa kunyorera kuGMB kuti apiwe mvumo yekuita izvi.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Integrated Commercial Farmers’ Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti havaoni varimi vazhinji vachikwanisa kutevedzera mutemo uyu sezvauri nekuti unovaomesera nekuda kwekuti goho remwaka unorakaderera nekuda kwekusanaya kwemvura kwakatsarukana.

Panyaya yekuti murumi anoda kusara nechibage, gorosi kana soya beans zvekudya anosungirwa kupiwamvumo neGMB, Amai Jiti vanoti vanoona pachiitwa zvehuwori nekuti kuti murimi apiwe tsamba yekusara nechibage chekudya pamba anenge atobhadhara mari.

“Varimi vari kuchema kuhurumende kuti dai yarerutsa mutemo uyu chekudya chasara pasina kupuwa matsamba," vanodaro Amai Jiti.

Pamutengo wechibage wemadhora zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemari yemunyika, kana kuti ZWL$75 000.00, patani yoga yoga yechibage, Amai Jiti vanoti mutengo uyu wainakirawo varimi dai vaipiwa mari iyi iri mumadhora ekuAmerica vachiapiwa nemutengo unenge uchitengeswa nawo kumabhanga.

Vanoti mutengo ungagutsa murimi kuti akwanisewo kugadzirira mwaka unotevera unofanirwa kunge uri madhora mazana matatu nemakumi mashanu (US$350.00) patani yoga yoga yechibage.

Studio 7 yakundikana kubata veGrain Marketing Board pamusoro penyaya iyi.

Grain Marketing Board yakadzika mitemo inorambidza kutengeswa kwembesa dzinoti chibage, gorosi nesoya beans kune vamwe vatengi vasiri iyo pasi peStatutory Instrument 145 ya2019, Statutory Instrument 97 ya2021 neStatutory Instrument 188 ya2021.

Hurukuro naAmai Maiwepi Jiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG