Accessibility links

Breaking News

America Yosarudza Mutungamiri weNyika Mutsva neChipiri


VaDonald Trump naVa Joe Biden

Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe vatovhota musarudzo dzemuAmerica idzo dzinoitwa zviri pamutemo musi wa3 Mbudzi mushure memakore mana oga oga.

Nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19, matunhu akawanda emuAmerica akatumira vanhu mapepa avo ekuvhota kuti vagotumira nePost Office.

Dunhu rine vanhu vakawandisa vavhota ndereTexas rinonzi rine vanhu vanodarika mamiriyoni mapfumbamwe vatovhota.

Dunhu iri rakakosha zvikuru musarudzo dzemuAmerica sezvo sarudzo dzisingakundwe neanenge awana mavhoti akawanda asi kuti matunhu akawanda nekuti dunhu rega rega rine zvibodzwa zvakasiyana siyana zvichienderana nehuwandu hwevanhu varimo.

Semuenzaniso, dunhu rine vanhu vakawandisa iCalifornia uye ine zvibodzwa makumi mashanu nemashanu kana kuti 55, Texas makumi matatu nemasere kana kuti 38. Matunhu ane vanhu vashoma shoma akaita seWashington DC, Alaska ane zvibodzwa zvitatu.

Kuti munhu anzi akunda musarudzo anofanira kunge asvitsa zvibodzwa mazana maviri nemakumi manomwe kana kuti 270.

Vari kukwikwidzana musarudzo dzemutungamiri wenyika vanosanganisira VaJoe Biden vebato remaDemocrats nemutungamiri wenyika VaDonald Trump vebato remaRepublicans uye vamwe gumi nevapfumbamwe.

Asi vanokwanisa kuti vakunde vana chete vanoti VaTrump, VaBiden, Amai Jo Jorgesen vebato reLibertatian uye VaHowie Hawkins veGreen party. Vamwe vakaita semuimbi Kanye West havana kukwanisa kunyoresa mumatunhyu ose kuti vavhoterwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Chipo Dendere vanodzidzisa paWellesley College kuMassachusetts muno muAmerica vanoti America yakati vanhu vavhote nematunhu kuitira kuti nyangwe kune vanhu vashoma mavhoti avo averengwe sezvo uye akakosha mukuti ndiyani anotungamira nyika.

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG