Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muBotswana Zvofarira Kuvhurwa kweMuganhu weNyika Mbiri Idzi


Zvizvarwa zveZimbabwe nezvinobva kune dzimwe nyika zvinogara muBotswana zvatura befu guru mushure mekunge hurumende yenyika iyi yatora danho rekunyewenutsa kufamba kwevanhu pakati penyika dzakatenderedza Botswana.

Mugwaro rakaturwa nehurumende yeBotswana kuburikidza nebazi rezvehutano, vana vechikoro vari kuda kudzokera kunyika dzavanodzidzira, vanhu vari kutsvaga rubatsiro rwezvehutano uye vanenge vaine hama dzafa vanotenderwa kudzokera kunyika dzavo.

Muzvare Hannah Rammorogo, avo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rekupinda nekubuda kwevanhu munyika iyi, vaudza Studio7 parunhare kuti ichikwadi kuti kwatorwa danho rakadai.

Botswana yakavhara mabhodha ayo munaKurume gore rino senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hweCoronavirus uhwo hunokonzeresa chirwere che COVID-19.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chine bhizinesi rekuruka vhudzi mudhorobha reFrancistown, Muzvare Christinah Zvinavashe vanoti danho iri ratambirwa nemufaro.

VaTerrence Machokoto vanoti chiitiko ichi chinotaridza kuti kuvhurwa zvizere kwemabhodha enyika iyi kwave pedyo izvo zvichaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvinorarama nekutenga nekutengesa zvivane chouviri.

Nyanzwi munyaya dzekufamba kwevanhu uye vari mudzidzisi wemutemo paGaborone University of Law and Professional Studies, VaTafadzwa Matambo vayambira vanhu kuti vanofanira kutevedzera mitemo yeCOVID-19 kuitira kuti huwandu hwevanobatwa nehutachiona uhu husawedzere.

Svondo rapera, hurumende yeZimbabwe yakazivisawo kuti ichatanga kuvhura mabhodha zvishoma nezvishoma kubva musi wa1 Zvita kune avo vanofamba nedzimotokari dzavo nevanofamba netsoka chete.

Gurukota rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau kuti hurumende yakatora danho rekuvhura mabhodha zvishoma nezvishoma senzira yekuoona kuti vashandi vezve hutano vane zvikwanisiro zvekukubatsira vanhu vakawanda here kana kuti kwete.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG