Accessibility links

Breaking News

Vamwe VanaChiremba Vanoti Kurukwa neBvudzi reKutenga Kunokonzera Zvirwere


Vanhu vokurudzirwa kurukwa nebvudzi ravo
Vanhu vokurudzirwa kurukwa nebvudzi ravo

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhukadzi havafaniri kutenga vhudzi revamwe vanhu vachishongedza misoro yavo sezvo vhudzi iri richibatira nyore hutachiwana hunozokonzera zvirwere.

Vanhu vakawanda, zvikuru vanhukadzi pasi rose, vanoshongedza misoro yavo nevhudzi rekutenga rinobva kunyika dzakaita seBrazil, Peruvia, neIndia.

Imwe nyanzvi yezvehutano hwemaziso, iyo ine ruzivo zvakare nezvezvirwere zvinokonzerwa nevhudzi rekutenga, Dr Solomon Guramatunhu, vanoti vanhu vanofanira kudada nemasikirwo avakaitwa nokuti rimwe vhudzi ravari kurukirira mumisoro yavo rinobva kuzvitunha zvevanhu vanenge vafa nematenda akasiyana siyana.

Dr Guramatunhu vanoti kana munhu akagerwa vhudzi rake, rinenge ratove tsvina. Asi vanoti zvinovashamisa kuti tsina iyoyo ndiyo yava kumhanyirwa nevakadzi munyika kuitira kuti vashongedze misoro yavo.

Vanoti vhudzi remarudzi epasi rose, rakaumbwa zvichiendera nenzvimbo dzavanogara zvokuti hazviite kuti vagari vemunyika kana vemudunhu reAfrica vashongedze misoro yavo nevhudzi rinobva kunyika dziri kunze kweAfrica.

Dr Guramatunhu vanotiwo kana vhudzi iri rasonerwa mumusoro wemunhu rinotora nguva yakareba risina kugezwa, richiunganidza dikita nguva yose iyi izvo zvinozoita kuti musoro uvave nemakwene anenge aungana muganda.

Imwe nyazvi yezvehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanotiwo vhudzi rekutenga rinobatira hutachiwana hwakasiyana siyana uhwo hunozokonzera zvirwere.

Asi Dr Chiripanyanga vanoti kunyange hazvo vari kuona madzimai anenge achinetseka nezvirwere zvinokonzerwa nevhudzi rekutenga, hapana hwevanhu vari kunetseka nedambudziko iri sezvo pasina ongororo yati yaitwa munyika pavanhu vari kuita zvirwere zvinokonzerwa nevhudzi rekutenga.

Vakurudzirawo vanhukadzi kuti vasanyanya kushandisa vhudzi rekutenga nekuti mushure menguva yakareba, muvhudzi iri munoberekerawo inda uye ganda remusoro richizoita makwene.

Murume wechidiki, VaMusarurwa Chibamu, avo varuka vhudzi paMabelreign Shopping Center, vanoti zviri nani kuti munhu arukwe vhudzi kuti riitwe mhotsi nokuti rinokwanisa kugezwa chero katatu pavhiki.

Mumwe mudzimai anoruka misoro kuAvondale, Amai Shingi Ziki, vanoti vakadzi vari kuvhiringidza vhudzi ravo nekusonerera vhudzi rekunze rinodhura uye rinozoguma radzura midzi yacho zvekutozotadza kumera zvachose.

Amai Ziki vanoti vhudzi rinodawo kurohwa nemhepo uye kugara rakazorwa mafuta zvinova zvinhu zvisingakwanise kuitika kana munhu akarukwa musoro wake nevhudzi rokutenga.

Ongororo yakaitwa neEuromonitor International inoratidza kuti vhudzi rekutenga iri riri kupfumisa nyika dzakawanda.

Bhizinesi rekutengesa vhudzi pasi rose riri kutarisirwa kusvika pamabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica mugore ra2023. Bvudzi rakawanda rinozotengeswa rinobva kuChina.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG