Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votura Mutemo weKupa Mari yeMudyandigere kuMadzimai eVaive Vatungamiri veNyika


Amai Grace Mugabe (naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaparura mutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument 261 wekuti madzimai evanenge vamboita vatungamiri venyika kana kuti maFirst Ladies apihwe mari yemudyandigere.

Parizvino, Zimbabwe ine madzimai maviri akadai, Amai Jannet Banana naAmai Grace Mugabe.

Zvichapihwa madzim,ai aya zvinosanganisira motokari, vachengeti, vashandi vemuhofi nekumba, imba yekugara, motokari dzinosanganisira yemhando yeMercedes Benz E300 Series) pamakore mashanu oga oga, mari yendege yekushanda kunze, uye mitero yemba mvura nezvimwe.

Vakawanda munyika vari kushora danho iri vachiti nyika haina mari uye vamwe vashandi vari pamudyandigere vari kunonga svosve nemuromo. Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti hurumende haina mari yakawanda zvakadai uye hazvibatsire kupa vanowana uku vashandi vachifa nenzara.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG