Sangano rinomirira vatyairi vemabhazi nemagonyeti nemakondakita, reZimbabwe Union of Drivers And Conductors, rinoti hurumende inofanirwa kubatsira mukuchengetedzwa kwezvizvarwa zve Zimbabwe zvinoshanda munyika dzakapoteredza
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu zana negumi nevashanu, kana kuti 115, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 munyika yose mushure mekuvhenekwa kwevanhu chiuru nemazana manomwe nemakumi manomwe, kana kuti 1770.
Vateveri venhabvu muZimbabwe havasi kusarira mukuchema mutambi wenhabvu wekuArgentina akaita mukurumbira unotyisa pasi rese, Diego Armando Maradona, uyo akaradzikwa nezuro kuBuenos Aires kuArgentina.
Meya veHarare, VaJacob Mafume, vari kurara mutirongo kwezuva rechitatu nhasi mushure mekunge majisitereti Bianca Makwande vazivisa kuti vachapa mutongo mangwana wavo pachikumbiro chaVaMufume chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nezuro vakati vanobva chete pamuzinda weWhite House kana vanosarudza mutungamiri wenyika vanozivikanwa seElectoral College, vakasarudza VaJoe Biden senhu akakunda musarudzo dzakaitwa musi wa 03 Mbudzi gore rino.
Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti VaNcube vangadai vakaparura bhajeti ravo nemari yekuAmerica sezvo iri mari yave kushandiswa nevanhu vakawanda kusanganisira hurumende.
Vamwe vagari vemuBulawayo vari kuramba vari panjodzi yekubatwa nezvirwere zvemudumbu sezvo vari kushandisa mvura yemumatsime isina kucheneswa nekuda kwekuendera kwedambudziko rekushaikwa kwemvura.
Gweta reshasha yenhabvu yakashaya neChitatu Diego Maradona, VaMatias Morla mumashoko kuvatori venhau neChina vakati panofanira kuongororwa mafiro ake nekuti zvakatora maminetsi makumi matatu kuti ambulance iuye kuzomubatsira mushure mekurwara nemoyo.
AnchorVanhu vakawanda mdhorobha reMasvingo vakaparadzirwa dzimba uye midziyo yavo neChitatu manheru nemafashamu emvura akabatana nemhepo yaivhuvhuta zvine simba.
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakatura mashoko kuvanhu vachiti nyika yavo ichakunda muhondo yekurwisa chirwere checoronavirus.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, neChina vakaparura bhejeti renyika regore rinouuya remabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe zvemadhora emuZimbabwe kana kuti ZW$421 billion
Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, rinoti kusungwa kwakaitwa meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, kune chekuita nezvematongerwo enyika, uye kuti hurumende yeZanu PF ishandise mukana uyu kupinza komisheni inotungamirira guta iri.
Rodhai zvimwe