Accessibility links

Breaking News

Mutambi weNhabvu Akaita Mukurumbira, Diego Maradona, Anoradzikwa Pasi Rose Richichema Kushaya Kwake


Diego Maradona
Diego Maradona

Vateveri venhabvu muZimbabwe havasi kusarira mukuchema mutambi wenhabvu wekuArgentina akaita mukurumbira unotyisa pasi rese, Diego Armando Maradona, uyo akaradzikwa nezuro kuBuenos Aires kuArgentina.

Kubva muvashandi vemudzimba, kusvika kuvashandi vemumahofisi, tichidarika nevanozviitira zvavo vega, vese vanoti pasi rino rarasikirwa zvikuru nekushaika kwaMaradona, uyo akaita mukurumbira unotyisa munhabvu.

Vashoma vasingazive Maradona, uyo mugore ra1986 akatungamira Argentina mukutora mukombe wepasi rese weWorld Cup, ndokubatsira zvekare nyika iyi kupinda mufainari muna 1990.

Vamwewo ndivo vanoti Maradona akatorera Argentina mukombe uyu ari ega sezvo aikanda zvibodzwa uyezve nekubikira vamwe zvimwe zvibodzwa zvacho.

Mutambi uyu, uyo akatambira zvekare nekutora mikombe neBoca Juniors, Barcelona neNapoli, akashaika neCgitatu mushure mekurwara nechirwere chemwoyo.

Asi pese panoshaika munhu panoita mitauro zvekuti vakawanda vari kuyemura zvaakaita asi vamwewo vakaita saMuzvare Nowelyn Fambisa vachiti Maradona akawisira pasi zvese zvaakaita munhabvu nekutora zvinodhaka zvisiri pamutemo.

Asi vanoita basa rekubatanidza masimbi nemoto kana kuti welder, VaOliver Musongoro, vanoti Maradona aive mhizha asi kwete munhabvu chete.

Muna 2000 vanotungamira nhabvu yepasi rese veFIFA vakabatanidza Maradona naPele wekuBrazil sevatambi vakakunda vese pamakore zana apfuura.

Asi paongororo yakaitwa padandemutande pasi rese Maradona akabuda ari pamberi paPele uyo akatora mikombe yeWorld Cup katatu.

VaInnocent Matika, avo vakaona Maradona achitamba pachivhitivhiti, vanoti mutambi uyu aive akapenga vachiti vechidiki vanofanira kuteedzera zvaaita munhandare.

Muteveri weCaps United VaPhillip Regede vanoti vakaona Maradona vachiri mudiki asi havakanganwe zvibodzwa zvake zvepa 1986 World Cup.

Maradona akaradzikwa kumarinda emhuri yake nezuro mushure mekunge mutumbi wake wambotanga waratidzwa kune veruzhinji vachionekana naye. Hurumende yeArgentina yakatara mazuva matatu ekuchema kwenyika.

Maradona akashaya ave nemakore makumi matanhatu ekuberekwa.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG