Accessibility links

Breaking News

VaNcube Voparura Bhajeti reGore Rinouya reMabhiriyoni Mana neMakumi Maviri neRimwe


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, neChina vakaparura bhejeti renyika regore rinouuya remabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe zvemadhora emuZimbabwe kana kuti ZW$421 billion vachitwo vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvinodarika zvinomwe nechidimbu kubva muzana kana kuti 7,5%.

VaNcube vati vanotarisira kusimukira kwehupfumi hwenyika zvichisimbiswa nemabasa ekurima, ezvicherwa uyewo nezvimwe.

Nekuda kwaizvozvo, VaNcube vapa bazi rezvekurima mari inodarika kusvika pamabhiriyoni makumi mana nematanhatu kana kuti ZWL 46.3 billion uyewo vapa imwe mari yekuvakaka madhamu nekusimudzira mabasa emadiridziro.

Bazi rezvehutano nderimwe rawana mari yakawanda inodarika zviuru makumi mashanu nemana kana kuti ZWl 54.7 billion. Pamusoro pemari iyi, VaNcube vati vanotarisira kuti bazi iri richawana mamiriyoni mazana mashanu emadhora ekuAmerica kubva kumasangano nenyika dzinopa rubatsiro.

Bazi rezvedzidzo yepasi ndiro rapihwa mari yakawanda kudarika mapazi ese ehurumende inodarika mamiroyoni makumi mashanu nemashanu kana kuti ZWL.55.2 billion.

VaNcube vati nekuda kweCovid 19 imwe yemari iyi ichashandiswa kutenga midziyo yekudzivirira vana nevarairidzi kuti vasabatwe nedenda reCovid 19 – muzvikoro pamwe nekutenga zvipfeko zvevanasikana apo vanenge vari kutevera.

Izvi zvatambirwa nemufaro nenhengo dzeparamende kusanganisira sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi Amai Priscila Misihairambwi Mushonga.

Amai Mushonga vati vanofara kuti bazi redzidzo rapihwa mari yakwanda asi vakati chasara kuona kuti ichauya here.

VaNcube vaisawo parutivi mari dzakawanda dzekuona kuti vanhu vawana mvura yakachena nedzimba pamwe nekupedzisa kuvaka mugwagwa weMasvingo-Beitbridge Highway.

Madzimai, vechidiki nevakarwa hondo reusunguko vapihwa mamiriyoni makumi matatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica mumwe nemumwe (US$37.5m each) kuti vashandise pamabasa ekzvisimudzira.

Asi mutungamiriri weMDC-T Muzvare Thokozani Kkupe, vaudza Studio 7 kuti kuyange hazvo bhajeti rapururwa chasara kuona kuti zvataurwa zvichaitwa here.

Izvi zvatsinhirwa nemumiriri weNorton VaTemba Mliswa vati hapana zvazvinobatsira kungoronga mabhajeti asi pasina chinonobuda.

VaNcube vazivisa matanho akawanda ekuti vachaunganidza mari sei anosanganisira kuti vemabhizimisi madiki avo vanoshandira munzvimbo dzakaita semisika yemakunzuru, nezvitoro zvidiki zviri mudhorobha munzvimbo dzakaita seGulf Complex muHarare vabhadhare mitero yemadhora makumi matatu ekuAmerica pamwedzi.

Vatiwo nyanzvi dzakaita sanachiremba nemagweta vanozvishandira vanofanira kubhadhra mitero.

VaNcube vazivisawo kuti vanotambira mari inodarika zviuru gumi zvemadhora pamwedzi ndivo vachange vave kubhadhara mutero kubva pane vanotambira zviuru zvishanu zvemadhora pari zvino.

Vatiwo bhonasi rinodharika zviuru makumi maviri nezvishanu zvemadhora ndiro richange rave kubhadhariswa mutero kubva pazviru zvishanu pari zvino.

Kunyange hazvo hurumende yaita bhajeti remari inosvika mabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwe kana kuti ZWL421 billiion inotarisira kuunganidza mari inosvika zviuru mazana matatu ane makumi mapfumbamwe kana kuti ZWL390 billion uye ichatsvaga imwe yacho mukati menyika.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG