Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokurudzirwa Kuita Hurukuro neSouth Africa Pamusoro Pekushungurudzwa Kwe Vatyairi veZimbabwe Vanoshanda Munyika Iyi


VaFredrick Magurananga veZimbabwe Union of Drivers And Conductors
VaFredrick Magurananga veZimbabwe Union of Drivers And Conductors

Sangano rinomirira vatyairi vemabhazi nemagonyeti nemakondakita, reZimbabwe Union of Drivers And Conductors, rinoti hurumende inofanirwa kubatsira mukuchengetedzwa kwezvizvarwa zve Zimbabwe zvinoshanda munyika dzakapoteredza. Izvi zvinotevera kupondwa kwevatyairi vemarori vekunedzimwe nyika nekupisirwa marori avo muSouth Africa.

Sangano iri rinoti zvizvarwa zve Zimbabwe zvinoshanda nesimba, naizvozvo zvinodiwa nemakambani mazhinji munyika dzakapoteredza.

Mutungamiri we sangano iri, VaFredrick Magurananga, vanoti Zimbabwe inofanirwa kufara kuti zvizvarwa zvayo zvinoshanda kunze kwenyika zvichiunza mari munyika, kwete kurega vachirohwa, kupondwa nekupisirwa marori avo mune dzimwe nyika.

VaMagurananga vanokurudzira hurumende kuti iite hurukuro nevatungamiri vedzimwe nyika kuona kuti pane kunzwisisana panyaya yekuchengetedzwa kwehupenyu nemidziyo yevashandi vanopinda mu South Africa kunotora kana kuendesa zvinhu munyika iyi. Tatadza kubata gurukota rinoona nezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, kuti tinzwe divi rehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG