Accessibility links

Breaking News

Pove neMonero Akasiyanasiyana paBhajeti ra2021 Rakaturwa neGurukota reZvemari, VaNcube


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube

Vanhu voita maonero akasiyana pamusoro pebhajeti renyika regore rinouya rakaturwa nemusi weChina negurukota rezvemari VaMthuli Ncube.

Munyori mukuru we Zimbabwe Congress of Trade Union, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti bhajeti rakaturwa harina kusiyana nemakore ose sezvo hurumende isingatevedzere zvavanenge vati vachaita pakushandiswa kwemari uye nguva dzakawanda hurumende inozotadza kuwana mari yainenge yakavimbisa.

VaMoyo vanoti mushandi hapana chake sezvo mitero yave kubhadharwa
yakawandisa zvikuru zvekuti mari inosara nemushandi haikwane kuti
araramise mhuri yake.

Izvi zvinotsigirwa nenyanzvi inoona nezvehupfumi vachishanda neLabour
and Econmic Development Research Institute, VaNyasha Muchichwa, avo vanoti kunyange huwandu hwemari isingabatirwe mitero yemihoro yakakwidzwa kubva pamadhora zviuru zvishanu kusvika pamadhora zviuru gumi vanoti zvichasiya mushandi asina mari yekuti ararame.

VaMuchichwa vanoti vashandi vakawanda vari kutambira mari iri pasi
pemadhora zviuru gumi nezvisere inotarisirwa kuti mhuri ine vanhu vashanu vararame, vachiti mitero ichapedza mari yemushandi.

Panya yekuti hurumende haichabvumire vanhu kupinza munyika motokari
dzine makore anopfuura gumi dzagadzirwa, VaClemence Zinduru vanoti
danho iri richaita kuti vakawanda vatadze kutenga motokari kunze
kwenyika sezvo dzine makore mashoma dzichidhura.

VaZinduru vanoti hongu motokari dziri kudiwa nehurumende dzinenge
dzichiri kunzwa uye dzinenge dzichiburitsa chiutsi chishoma, asi
hadzitengeke nekudhura.

VaZinduru vanopa muenzaniso wemotokari yerudzi rweHonda Fit ine makore
gumi nekuraudzira inotengwa nemadhora chiuru nechidimbu chemari
yekuAmerica, asi iri pasi pemakore gumi inotengwa nemadhora zviuru
zvinomwe kana kudarika.

Muzvinabhizinisi, VaClifford Khupeko, vanoti zvakanaka kuti
vemabhizinisi vabhadhare mari sezviri kutaurwa naVaNcube asi vanoti
mari dzinofanirwa kusiyaniswa kwete kuti vabhadhare madhora makumi
matatu vose.

VaKhupeko vanoti hurumende haifanirwe kutsvaka uta nemugate
nekuteresa vashandi vari kupihwa mari shoma asi kuti vagadzirise kuti
mari iri kubuda munyika kuburikidza nekuburitswa kwegoridhe nezvimwe zvicherwa zvisiri pamutemo imiswe.

Mumwe mugari VaIsrael Nyandoro vanoti zvakanaka kuti vanhu vabhadhare
mitero kuti hurumende ikwanise kuzadzisa zvayakaronga kuti ichaita
nemari sezvo pasina kwavanokwereta.

VaJohn Marara avo vane makambani anogadzira makombiyuta vanoti vanoona mitengo yezvinhu ichikwira gore rinouya nekuda kwemitero yawandisa yave kubhadharwa.

Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti VaNcube vangadai vakaparura
bhajeti ravo nemari yekuAmerica sezvo iri mari yave kushandiswa nevanhu
vakawanda kusanganisira hurumende.

VaNcube vakatura bhajeti remadhora emunyika mabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri nerimwechete nemamiriyoni matanhatu, kana kuti ZWL$421,6 Billion.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG