Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Kusungwa kwaMeya Mafume Kune Chekuita nezveMatongerwo eNyika


Meya veHarare, VaJacob Mafume. VaMafume vakasungwa neChitatu vachipomerwa mhosva yekushandisa hosi yavo zvisizvo.
Meya veHarare, VaJacob Mafume. VaMafume vakasungwa neChitatu vachipomerwa mhosva yekushandisa hosi yavo zvisizvo.

Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, rinoti kusungwa kwakaitwa meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, kune chekuita nezvematongerwo enyika, uye kuti hurumende yeZanu PF ishandise mukana uyu kupinza komisheni inotungamirira guta iri.

VaMafume, vanove kanzura weWard 17, vakasungwa neChitatu vachipomerwa mhosva yekusashandisa hofisi yavo zvisizvo kuburikidza nekutengeswa kwenzvimbo yekuvakira dzimba mumusha weWestlea makare muHarare.

Kusungwa kwaVaMafume kunouyawo mushure memasvondo matatu meya veChitungwiza, VaLovemore Maiko, vasungwawo vachipomerwa mhosva yekusashandisa hofisi yavo nemazvo.

Muna Gumiguru, mapurisa akasunga makanzura eHarare anodarika makumi maviri achivapomera mhosva yekuita zvehuwori.

VaMafume, avo vakagadzwa sameya muna Gunyana mushure mekudzingwa kwevaive meya, VaHerbert Gomba, nebato reMDC-T, vanotarisirwa kumiswa pmberi pedare neChishanu.

Asi mutevedzeri wemutauriri vebato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti zvose zviri kuitika izvi zvekushungurudza makanzura avo pamwe nevamwe vakuru vebato zvakanangana nekuda kuparadza bato ravo.

VaHlatywayo vanoti chiri kudiwa neZanu PF kuumbwa kwemakomisheni anenge achizotungamirira maguta nemadhorobha ari pasi pebato ravo nechinangwa chekuti Zanu PF ive nemasimba mumaguta, umo vanoti iri kutatarika kuwana rutsigiro.

Asi nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti vanoshushikana nemafungiro ebato reMDC Alliance, iro ravanoti riri kumhanyira kumiririra vanhu vari kupomerwa mhosva nekungoti inhengo dzaro zvisineyi nekuti vanhu ava vanenge vakapara mhosva.

VaMuponda vanoti bato rinopikisa iri rinofanirwa kusiya mutemo wotora gwara rawo, vari kupomerwa mhosva ava vomira pamberi pematare vochenurwa kana kuwanikwa nematare vaine mhosva.

Vanoti hurumende haitarise munhu kumeso panyaya dzehuwori, sezvo kana nhengo dzeZanu PF kusanganisira makurukota vari kusungwawo vachimiswa pamberi pematare nenyaya dzehuwori.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo pamwe naVaGilbert Muponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG