Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nemusi weSvondo vakapinda mumusangano wavo wekupedzisira wenyika dziri mugungano reG-20.
Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti vachiri vakamirira kunzwa kubva kuna vanachiremba kuti mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaVictor Matemadanda vari kurwara neyi.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzavekutarisira kuti kuwanikwa kwemishonga yekurapa chirwere cheCovid-19 kuchabatsira kuti vanhu vasafe vakawanda pasi rose.
Mukuru wesangano reCoomunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti sangano ravo riri kushanda mumatunhu akawanda emunyika richidzidzisa vanoita zvehutano munharaunda pamwe vechidiki pamusoro pekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19, avo vanozodzidzisawo vamwe.
Vagari vakawanda vemuguta reMasvingo vanoti havasi kufara nekudzimwa dzimwa kuri kugara kwakaitwa magetsi izvo zviri kuvhiringawo kuwanikwa kwemvura.
Chikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology, CUT, chakavharwa nemusi weChishanu mushure mukubatwa kwevdzidzi vanomwe nechirwere cheCovid-19 svondo rino.
Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muAmerica zvichitevera kutsika madziro kuri kuita mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, avo vari kuramba kutambira kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Broadcasting Authority of Zimbabwe (BAZ) yapa marezenisi eterevhizheni matanhatu kumakambani anosanganisira Zimpapers neDaily News nemamwe makambani anonzi akarerekera kuZanu PF.
Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, vatura mutongo wekuti mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Marehwanazvo Gofa, vakakanganisa nekunyima kwavakaita Chin’ono mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti munhu anogara achipara mhosva.
Dunhu reBulawayo raona vanhu vakawanda vari kubatwa pamwe nekushaya neCovid-19 mumasvondo adarika kupfuura mamwe matunhu emunyika.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe iri kurwisana nedenda ranetsa pasi rese reCovid-19, vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana gore rinouya.
Amai Mliswa Chikoka vava gurukota rechitatu kubatwa nechirwere ichi zvichitevera kubatwa kwakaitwa vaimbove gurukota rezvekurima, muchakabvu Perrence Shiri, pamwe negurukota redunhu reMidlands, VaLarry Mavima.
Rodhai zvimwe