Accessibility links

Breaking News

Chinhoyi University of Technology Inovharwa neNyaya yeCovid-19


Chinhoyi CUT University

Chikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology, CUT, chakavharwa
nemusi weChishanu mushure mukubatwa kwevdzidzi vanomwe nechirwere cheCovid-19 svondo rino.

Vadzidzi vakawanda vaswera vachitsvaga zvekufambisa kudzokera
kudzimba dzavo mushure mekuvharwa kwechikoro ichi.

Vamwe vadzidzi vanga vachifanirwa kutanga zvidzidzo zvavo neMuvhuro, vanonzi vakaudzwawo kuti vachiregera kuuya kuchikoro vachinzi vachazoziviswa zuva rekuti vauye kuchikoro kana zvinhu zvagadzikana.

Kumiswa kwezvidzidzo paCUT kunotevera kubatwa kwevadzidzi vanomwe
nechirwere cheCovid-19 svondo rino.

Mumwe mudzidzi adzokera kumba asina kuda kuzivikanwa nezita ati iye
anga apedza kunyora zamanishoni nezuro achiti vamwe vake vanga
vachifanirwa kutanga zvidzidzo neMuvhuro vanzi vasauye kuchikoro.

Mudzidzi wechikoro uyu ati vadzidzi vakawanda vakavhundutswa nekubatwa
kwevamwe vavo nechirwere cheCovid-19.

Mutauriri weCUT, VaTapera Musekiwa, vati ichokwadi kuti chikoro chavo chambovharwa.

Asi vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, VaHenry Madzorera, vanoti vadzidzi ava vanga vachifanirwa kuongororwa kuti havana chirwere cheCovid-19 here vasati vadzokera kudzimba dzavo.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid19 hwakakwira
zvakanyanya mumazuva maviri apera.

Gurukota reMashonaland West, Amai Mliswa-Chikoka, vakabatwawo nechirwere ichi marumwezuro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG