Vachitaura kumhemberero yebepanhau reDaily News rekusvitsa makore gumi mushure mekumbovharwa, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa, vati vatori venhau vanofanirwa kubatsira hurumende mukuona kuti nyika yabudirira huye kubatana.
Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo inoti hurumende inofanirwa kurerutsa matambudziko akatarisana nevarairidzi kuburikidza nekuti vana vavo vadzidze pachena muzvikoro zvehurumende pamwe nekuwanira varairidzi ava dzimba dzakanaka dzekugara.
Izvi zvinotevera danho rakaitwa nebazi yezvedzidzo iro rakaita hurongwa hwekuderedza vana vanenge vachidzidza panguva imwe chete senzira yekuderedza huwandu hwevana muzvikoro panguva imwe chete kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.
Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro kune vana vasiri kunyora bvunzo uye kune dzimwe nzvimbo zvinhu zvange zvakaita manyama amire nerongo sezvo vamwe vabereki vange voita chipatapata nhaka yemakonzo kutsvagira vana nzvimbo vamwe vototanga kudzidza.
Chipatara cheParirenyatwa chinoti huwandu wevana vemuzvikoro zvepasi nepamusoro vari kuvhenekwa Covid-19 pachipatara ichi huri kukwira zvichitevera chikumbiro chezvimwe zvikoro chekuti vana nezvikoro vanofanira kudzoka kuchikoro vaine magwaro anoratidza kuti vakaongororwa.
Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro kune vadzidzi vari kunyora bvunzo mukupera kwegore kunyangwe hazvo vamwe varairidzi vatotanga kuramwa mabasa vamwe vachitiwo hurumende haisi kupa zvikwanisiro zvakakwana kuvadzidzi kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Musangano pakati pehurumende nevashandi vayo wenyaya yemuhoro pasi peNational Joint Negotiating Council Forum uri kutarisirwa kutanga nemusi weChishanu mushure mekunge vashandi vazivisa kuti vainge voronga kuratidzira sezvo hurumende yange yave kutsika madziro panyaya yenhauririrano.
Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Nyashadzashe Ndoro, ambosungwa nhasi pamwe nenhengo dzesangano reZimbabwe National Students Unions, Zinasu, idzo dzange dzichiratidzira padare reRotten Row Magistrate Courts muHarare.
Hurumende yakazivisa neChipiri kuti zvikoro zvave kuzovhurwa muzvikamu zviviri, chikamu chekutanga musiwa 15 Kurume kuchiti chikamu chepiri chiri musi wa 22 Kurume, unove mwedzi uno
Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa ekuti zvikoro zvinofanirwa kuchigadzirira kuvhurwa pachiteverwa mitemo yekudzivirira Covid-19 yakatarwa nesangano reWorld Health Organisation, W-H-O pamwe nebazi rezvehutano.
Mumwe wevakoti vari kutungamirira chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid 19, Amai Otillia Mukuchira, vanoti hurongwa hwavo huri kufamba zvakanaka kwazvo sezvo vanhu vari kuuya nehuwandu.
Chikoro cheGreat Zimbabwe University, GZU, chambomisa kunyorwa kwebvunzo kwaida kuitwa padandemutande kutanga musi weMuvhuro zvichitevera kuchema chema kwevadzidzi vakawanda avo vaiti vanogona kutadza kunyora nepamusana pekushaiwa mari yekushandisa madandemutande.
Rodhai zvimwe