Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana veChikoro kuMaruwa Votadza Kuenda kuChikoro Nekuda kweNzara


Gurukota redzidzo yepasi, VaTorerai Moyo.
Gurukota redzidzo yepasi, VaTorerai Moyo.

Vamwe vana vechikoro kumaruwa vanonzi vave kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwenzara panguva iyo hurumende iri kuti yakaparura chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro.

Dambudziko iri rinonzi ranyanya kuwedzerwa nenyaya yekuti vamwe vana vanofamba mitunhu yakareba kuenda nekudzoka kuchikoro vasina chavanenge vadya nekuda kwekushaya chikafu kudzimba kwavo. Izvi zvinonzi zvaderedzawo huwandu hwevana vari kuenda kuchikoro.

Izvi zvinonzi ndizvo zvazokamanikidza hurumende kuparura chirongwa chekupa zvekudya kuvana vedzidzo yepasi, kana kuti primary education, kunyanya muzvikoro zvekumaruwa.

Mumwe mubereki wekuKarambazungu kuHurungwe mudunhu reMashonaland West, VaBenson Zvarehwa, vanoti munzvimbo mavo vana vakawanda vari kudonha kuchikoro nenzara nekuda kwekuti vanenge vaneta mushure mekufamba mitunhu yakareba.

“Vana vari kufenda nenzara nekuda kwekuti vari kufamba mitunhu yakareba vachienda kuchikoro” VaZvarehwa vanotsanangura

Dambudziko iri rinonzi riri kuitikawo mudunhu reMatebeleland North, sekutaura kwaAmai Susan Mandla.

“Kuno kuLupane vamwe vana havachatoenda kuchikoro nekuda kwenzara sezvo vari kufenda kuchikoro”Amai Mandla vanotsanangura

Vachiparura chirongwa chekupa vana vechikoro zvekudya pachikoro cheChiedza kwaZvimba mudunhu reMashonaland West, svondo rakapera, gurukota rezvedzidzo yepasi, VaTorerai Moyo, vakabvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro, vachiti vakatambira mashoko kubva munyika yose kuti vana vari kufenda nenzara muzvikoro.

“Tiri kunzwa kuti vana vari kufenda muzvikoro, zvikuru vari muzvikoro zvisiri kupihwa zvekudya” VaMoyo vanozivisa.

VaMoyo vakakurudzira zvikoro kuti zviite mapindu anenge achirimwa miriwo, madomasi nezvimwe zvinovaka muviri, kana kuti nutritious gardens, senzira yekutsigira hurumende pachirongwa chayo chekupa zvekudya kuvana ichi.

Mukuru weWorld Food Program, Muzvare Suzan Kasdova.
Mukuru weWorld Food Program, Muzvare Suzan Kasdova.

Mukuru musangano riri kubatsira nechikafu munyika, reWorld Food Program-WFP, iro rine chirongwa chinoona nezvekutsigira vagari vemumatunhu munyaya dzemararamiro evanhu kana kuti World Food Program Support Cross-Cutting Priorities and Program Support Lead Officer in Zimbabwe, Muzvare Suzan Kasdova, vanoti kuti zvirongwa zvekupa vana zvekudya muzvikoro zvibudirire hurumende inofanirwa kuvandudza maitiro ayo mukutenga zvinhu kana kuti procurement.

Muzvare Kasdova vanoti zvekudya zvinofanirwa kutengwa munzvimbo mazviri kuda kushandiswa kuitira kuti zvipe vagari mabasa uye vanorima vanotengesa zvirimwa zvavo pedyo.

“Chirongwa chekupa vana zvekudya hachiyamure vana vechikoro chete asi kupa mabasa kuvarimi sezvo vanenge vave nekwekutengesera” Muzvare Kasdova vanotsanangura

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe –ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti hurongwa hwekutenga zvekudya kure zvichizoendeswa kuzvikoro hune dambudziko sezvo mari dzichigona kubiwa kana kuitwa zvehuwori, vachiti dai zvikoro zvapihwa mvumo yekutenga zvega zvekudya zvevana.

“Hurumende inofanirwa kutendera zvikoro kuti zvitenge zvekudya zvevana kuderedza huori mukutengwa kwezvekudya Izvi “ VaMasaraure vanopa pfungwa dzavo.

Mutungamiri werimwewo sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe-PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanotiwo vana vanodzidza zvakanaka kana vasina nzara, vachiti vaoona sekunge hurumende ine mari inokwana kutenga chikafu muzvikoro nekuda kwezvicherwa zviri munyika.

Zvikoro zviri kukurudzirwa kutanga mapindu emiriwo inovaka muviri.
Zvikoro zviri kukurudzirwa kutanga mapindu emiriwo inovaka muviri.

“Hurumende inogona kutenga zvekudya zvevana muzvikoro vachishandisa mari yavari kuwana muzvicherwa”VaZhou vanotsanangura.

Mukuru mubazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West, VaGabriel Mhuma, vanoti zvimwe zvikoro zviri kupa chikafu kuvana kuburikidza nekurima minda yezvikoro.

Asi zvikoro zvakawanda zvinonzi hazvina mvura yekuti zvirkwanise murima mapindu ekudiridzira nguva dzose. Senzira yekugadzirisa dambudziko remvura muzvikoro iri, gurukota, VaMoyo, vakazivisawo kuti hurumende yakatotenga michina yechizvinozvino yekuchera zvibhorani zvakadzika mamita anodarika mazana mana kana kuti 400 sedanho rekuwanisa zvikoro mvura yakachena.

Zvikoro zvizhinii zvinonzi zviri kupa chikafu kuvana vari murugwaro rwetatu, kana kuti Grade 3, zvichidzika.

Hurumende iri kupa zvekudya zvakaita seUpfu, mafuta nebhinzi zvinoenderana nevana vanenge vakanyoreswa uye kuburikidza nekomiti yevabereki inoona nezvekudya kana kuti school feeding committee.

Sezvo nzara yapfunya chisero munyika, hurumende ichishanda neWFP inoti yakatotanga kupa rubatsiro rwezvekudya kuvanhu vanosvika 2.7 million, asi sangano reFood and Agricultural Organization, FAO, rinoti huwandu hwevanhu vave kuda zvekudya huri kuramba huchikwira zvekuti vave kusvika kumamiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu, kana kuti 3.5 million.
Dambudziko renzara iri rakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno.

Mumakore anonaya mvura zvakanaka dai vana vasingatambure nenzara nguva ino sezvo vangadai vachitakura kuchikoro mbuva dzakasiyanasiyana dzinosanganisira chibage, nzungu, manhanga, nyimo nenyemba zvingadai zvichibva muminda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG